vozvipinza chikoro. . . vachibatsirwa neSister 2 Sister

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
vozvipinza chikoro. . . vachibatsirwa neSister 2 Sister Mai Catherine Kasichi (kuruboshwe) vaina Florence Katurusa (kurudyi) nedzimwe nhengo dzeSister 2 Sister kuMhangura.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VANASIKANA vane chitsama vanobva kumhuri dzinotambura kuMhangura vari kuzvipinza chikoro kuburikidza nemabhindauko avari kuita vachibatsirwa nesangano rakazvimirira, reSister 2 Sister.

Sangano iri rinoshanda nevanasikana vane makore anobvira pa10 kusvika 24 okuberekwa nechinangwa chekuderedza nyaya dzekukasika kupinda pabonde kune vechidiki zvichikonzerwa nenzara nehurombo zvinova zvinozokonzera kunyuka kwezvirwere zvepabonde seHIV.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira vamwe vevananasikana vari kubatsirwa nesangano iri avo vari kudzidza pazvikoro zvinosanganisira Mhangura Secondary School ndokuita hurukuro navo.

Vamwe vavo vanoti vakashairwa mari dzechikoro nevabereki vavo izvo zvakaita kuti vapinde muchikwata cheSister 2 Sister.

“Ini ndakamira chikoro paGrade 7 nekuda kwekurwara nemaronda emudumbu. Vabereki vangu vakange vokundikana kundiwanira mari yekuchipatara neyechikoro. Pandakapinda muchirongwa ichi, ndakapihwa ma’jiggies’ ekuti nditengesa.

“Ndakakwanisa kuunganidza mari yangu ndokuzotenga nguruve dzangu. Sezvo baba vangu vagara vari murimi, vakandibatsira kudzichengeta ndikawana mari yekudzokera kuchikoro. Iko zvino ndava kuita Fomu 4 uye ndiri kuita zvidzidzo 11.

Ludimilla Chingorivo

“Ndinoda kuzova murapi. Mari yechikoro inodiwa patemu i$40 asi vabereki vangu vaikundikana nekuti kune mumwe mukoma wangu ari kuyunivhesiti anodazve kubhadharirwa mafizi,” anodaro Nissy Katurura (15).

Ludimilla Chingorivo (17) anoti akapinda muchirongwa ichi gore rapera uye ari kuita Fomu 5.

“Ndiri kuita mabhindauko ekurima muriwo nekuchengeta huku nemari yandiri kuwana ndichiisa muboka remukando uko inozouya yabereka. Ndava kuzvibhadharira mari yechikoro, kutenga mabhuku nemayunifomu izvo zvinorerukira vabereki vangu,” anodaro.

Mumwezve mwana ari muchirongwa ichi, Tariro Mataruse (18), anoti baba vake vakashaya ari Grade 4 izvo zvakaita kuti amborega chikoro kwegore rose kusvika azotorwa natete vake vava kumuchengeta.

“Ndinochengeta huku sere uye ndakatonyora bvunzo dzezvidzidzo zvitanhatu paFomu 4. Ndiri kutonetseka kuwana fenzi yakakura yekugadzira chikwere nekuti ndinoda kuti bhindauko rangu rikure,” anodaro.

Florance Katurusa (22) ndemumwe wevari kubatsirwa neSister 2 Sister uye anoti akasiirawo chikoro panzira mushure mekunge amitiswa asi akazorambana nemurume wacho. Ane shungu dzekudzokera kuchikoro.

Anoti ari kuita mabhindauko anosanganisira kuchengeta huku, kuhodha muriwo nemagirosari achitengesa.

“Ndiri munhu aigona chikoro zvekuti ndakatopasa Fomu 4. Asi pandakangopinda muwawano, murume aindirambidza kuita mabasa emaoko achiti ndinofanira kungogara pamba. Zvino ndava kuda kuenderera mberi nechikoro changu kusvika kuyunivhesiti chaiko,” anodaro

Tariro Mataruse

Mai Catherine Kasichi, avo vanova mentor kusangano reSister 2 Sister, vanoti mabhindauko aya ari kuderedza mikana yekumbunyikidzwa kwevanasikana.

“Kana mwanasikana akashairwa mari yechikoro, mhedzisiro yacho kukasika kuroorwa kana kusangana nemhirizhonga dzepabonde zvinova zvinhu zvisingawanzi kuwanikwa kuvana vanoswera kuchikoro. Mabhindauko aya ari kuderedza zvakare mikana yekuti vanasikana vatapurirwe utachiona hweHIV, zvikuru munzvimbo ino inoitwa mabasa ezvicherwa,” vanodaro.

Mai Yvonne Chavhunduka vanova District AIDS Coordinator mudunhu reMakonde, kuChinhoyi, vanotiwo vanasikana vanofanira kutsigirwa kuitira kuti vanonoke kupinda munyaya dzepabonde.

Share This:

Sponsored Links