Uncategorized

Wabata murefu, wabata mupfupi

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views

Kwayedza

VANHU vanowaridza zvitengeswa pakati peguta reHarare vatsika madziro vachiramba kubva muguta vachiti hapana kumwe kwavangaenda kunorima mari nokuti muguta ndimo mune vanhu vanokwanisa kuvatengera zvinhu zvavo kuti vararame nemhuri dzavo. Kanzuru yeguta reHarare pamwe chete namapazi eHurumende vanoratidza kunge vanoda kuti vanhu ava vashaise mabhizinesi anoshanda zviri pamutemo zvokuita nokuti vari kuwaridza zvinhu zvavo pese pese, uye vachiwanda zuva nezuva.
Kwakabva hunhu hwokuzvikudza hwakadai tinokushaya.

Mapurisa ekanzuru vanosweromhanyisana nezvisina maturo, asi zvinopa guta chimiro zvichisiiwa zvakadaro, woshaya kuti tinosvika kupi zvinhu zviri manyama amire nerongo kudai. Zvichapera nei uyewo riini?

Pamusana pei vanhu vachisiiwa vachityora mutemo kudai asi mapurisa achiwanikwa pese pese?
Homwe yenyika ine mari shoma pamusana pokuti vanhu vazhinji havasi kutera mitero. Zvichida Zimbabwe ndiyo imwe yedzimwe nyika iri muchikamu chenyika chinoregedza vanhu vachiita zvavanoda pakutera mitero.

Nyaya yokupa masimba oupfumi kuvanhu yakanaka zvikuru, asi pane zvinoda kuongororwa nokuti mabatirwo ayave kuitwa ndeokuti nhasi wabata murefu, mangwana wabata mupfupi, dzimwe nguva wavabata vese.

Dai vanhu vari kuita mabhizinesi madiki aya vakangotanga nokupihwa mitemo yokuti vanofambisa sei mabhizinesi avo, uyewo kuti vanoterera pavanoitira bhizinesi nokuterawo mimwe mitero kuti guta rikure, dai nhasi uno guta reHarare riri pane rimwe danho rebudiriro.

Kana kwave kumabhizinesi kana makambani okunze pane mitemo yakadzikwa yokuti kambani yokunze inoita zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana (49%), yomuno yoitawo zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana (51%). Vanopihwawo mitemo yamashandiro anotarisirwa munyika kuti zvinakire kwese.

Kana zvichigoneka navanhu vokunze pamusana pei zvichigogonera pavanhu vedu zvokuti vanoregedzwa vachityora mirawo yenyika, mirawo inodzikwa kwabuda mari yakawanda-wanda?

Riri kufamba shoko raita kuti nditi wabata murefu, wabata mupfupi nderokuti chaita kuti ma”vendor”, mahwindi, mandimba-ndimba, makombi naivava vese vanotyora mitemo ndechokuti vakaona kuti kupara mhosva hakuendesi kujeri.

Zvanzi vadzidzira pavanhu vapamusoro vanopara mhosva dzakasiyana-siyana, kunyanya huori hunofumurwa mazuva ese, pagove noumbowo hwokuti munhu ane mhosva, asi haasungwi. Ndosaka mweya wokusatya mutemo wabata vazhinji nokuti vanoti ivava ava ngavasungwewo, nokuti mhosva imhosva chete – diki kana huru.

Vamwewo vari kuti chanetsa panyaya yema”vendor” ndechokuti panorwa nzou, uswa ndihwo hunopfidza.
Vari kuti ma”vendor” adzingwe mudhorobha panguva ino mamiriro oupfumi akasunga, vanhu vazhinji vasina mabasa akange azivirwa okumaindasitiri.

Zvanzi nokudaro, vave chombo chokugadzirira sarudzo dzomuna 2018.
Kunze kwesarudzo dzakaitwa mwedzi wapfuura dzakaona Zanu-PF ichiwana zvigaro zvakati kuti mumadhorobha, vakange vave namakore akawanda zvigaro zvomumaguta anenge Harare zvichivanzvenga zvichipinda mumaoko amapato anokwikwidza anenge MDC-T.

Vaongorori vanoti pamusana paizvozvi hapana anonyatsoda kusimudza musoro kuti ma”vendor” abude muguta, nokuti vane tarisiro huru muna 2018. Vanoda kutonga zvakare mumaguta.

Vamwewo vanoti kanzuru yeguta reHarare namamwe maguta inotungamirirwa nenhengo dzeMDC-T, nokudaro MDC haidi kuonekwa iri pamberi mukukurudzira kuti ma”vendor” abude muguta nokuti vanotya kunzi “muchadya izvozvo” muna 2018.

Kana mhenenguro iyi chiri chokwadi, guta ropararaka nokuti MDC-T yakamirira vhoti ya2018?
Ko chivaudzai kuti vachisiyawoka guta rakachenaka, vachiitawo mabasa avo pakachena, nokuzivawo kuti zvinoda vashandi nemari zhinji kuti guta rionekere. Vanodaro here kudzimba kwavo kuti zvinhu zvinoitwa masiyandaita?

Ndosaka tichiti kubata murefu nokubata mupfupi, nokuti chokwadi chokuti takasvika patave nhasi uno sei, uye kuti ndiani ane masimba okugadzirisa dambudziko iri chinenge chiri kunzvenga vazhinji.

Saka Harare Sunshine City kwave kusakara kwedovo serisakambodyiwa nyama, kana fanzirofa.

Share This:

Sponsored Links