Wakandipedzera nguva yangu

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
RIMWE zuva, ndakapedzerwa nguva yangu asi kwete sezvakaimbwa naSelmor Mtukudzi. Ini handina kumisirwa mahara, asi ndakapopoterwa ndisina mhosva. Ndakapopoterwa nemunhu aive nehasha dzinenge pari kurwiwa nemabhuru maviri.
Ndakanga ndakatozorora zvangu ndichiverenga Kwayedza. Serufoni yangu ichibva yarira.
Ndakatarisa nhamba, ndikatadza kudziziva. Asi kusaziva nhamba dzemunhu ari kukufonera hachisi chikonzero chekurega kudaira foni handiti. Saka ini ndakabva ndadaira foni yangu.

Ndakatiwo nezwi rakatsiga kunge poto yakagara pamapfihwa, “Hello.”
Ndakabva ndanzwa inzwi rinenge remunhu ari kuita sirogani pamusangano richiti, “Hello mukuwasha!”

Izwi remunhu uyu akanga achinditi mukuwasha handina kuriziva, asi handina kuda kukurumidza kuti nditi ndimi ani. Saka ndakapfuurira mberi ndichimupindura zvakanaka ndichiti kana ari munhu wandinoziva, ndichamubata chete kana tikaramba tichitaura.

Saka ndakati, “Makadii zvenyu baba?”
Munhu uye ndokupfuurira mberi achiita sirogani yake, “Ndiripo zvangu. Ko sei usina kuzondifonera?”

Ndakashamisika, nekuti handina munhu wandakanga ndavimbisa kuti ndichazofonera. Saka ndakabva ndati rega ndikurumidze kugadzirisa nyaya iyi pachiri pedyo.

“Mundiregererewo baba, asi handisi kuziva munhu wandiri kutaura naye.”
Munhu uye akabva aseka zvekudenha chaizvo, achibva ati, “Iwe ndiwe munhu ave kufarisa zvino. Unoti hausi kuziva munhu wauri kutaura naye, asi iwe uchigara nemwana wangu! Iwe, uri kuedza kuti kudiiko chaizvo?”

Ndakapererwa nechekutaura. Ndakangokwanisa kutura befu nekuti ini mudzimai wangu ave nemakore matanhatu ashaya. Saka nyaya yaive pano yakanga iri pachena, uyu munhu akanga arasika. Saka ndakati, “Baba, tingapedze mari yenyu pafoni, asi ndinofunga kuti marasika.”

Ndakaita sendarova shumba nembama chokwadi. Ndakanzwa murume uya ave kushevedzera achiratidza hasha dzisingaite achiti, “Iwe imbwa iwe, haunganditsvinyire kudaro. Ndikauya ikoko hakuna chakanaka.

Unonyatsondiziva zvakanaka here iwe? Ndinonzi Chimedzanemburungwe ini, Shumba mhini yakatyiwa naMutasa.”

Kutaura chokwadi ndakanga ndisingamuzive munhu uyu. Kana kwese kwaakanga ave kuenda kwemazita ekutyisidzira ndakanga ndisiri kukunzwisisa.

Akabva ati, “Handiti wakanditumira mamessage paWhatsApp nezuro uchitaura zvaunoda, asi nhasi uno wave kuti hausi kuziva munhu wauri kutaura naye. Asi unondishura kani?”

Ndakaedza kuzvibata ndikati, “Nhai baba, kutaura kwangu chokwadi kwamuri ndichikuudzai kuti handisi kuziva kuti ndimi ani kwakaipei? Handingade kukunyeperai, asika nyangwe foni dzinorasika idzi. Ini ndangoti mundiudze munhu wandiri kutaura naye, ini ndokuudzaiwo kuti ndini ani wamuri kuda kutaura naye.”

Baba vaye vakabva vati, “Usandizore majarini, handisi chingwa ini!”
Ndakabva ndati, “Asi nyangwe WhatsApp yamuri kutaura nezvayo, ini foni yangu haina WhatsApp!”

Ipapo vakabva vati zii, asi ndichinzwa kufemeruka kwavo mufoni. Ndakatura befu ndikafunga kuti kune vanhu vazhinji vari kurasika muhupenyu, asi ivo vachifunga kuti vari kufamba munzira. Zviri kuitikawo chaizvo mazuva ano ekupedzisira, vanhu vazhinji vari kurasiswa pavhangeri chairo rechokwadi, rinoponesa. Vari kupenga, vachiparidza Jesu akasiyana naJesu akati, “Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muhushe hwekudenga. Asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.”

Tarisa number dzauri kufona usati watanga kutaura nyaya dzako!

[email protected]

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey