Uncategorized

Wakandizadza chirwere’

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUDZIMAI wekuenda kudare achida kutorera aimbova murume wake gwaro rerunyararo akazoshaya pekupinda nekunyara apo akafumurwa kuti akange oda kumutiza mushure mekumuzadza chirwere.

Lucias Spanera akamhan’arira Trust Muradzikwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza kuburikidza nekumurova nekumutuka.

“Changamire, ndoda gwaro rerunyararo kuti baba ava vasandishungurudza. Anondituka nekundirova, pari zvino hatisi kugara tese asi anongondishungurudza chete,” anodaro Spanera.

Muradzikwa anopikisana nechikumbiro chaSpanera achiti iye ndiyi ari kutomushungurudza nekumuzadza chirwere kwaakaita.

“Ini ndinopikisana nechikumbiro chake nekuti haachada kugara neni. Hama dzake dzinomuudza kuti handina mari, ndokusaka ava kunyepa kuti ndinomushungurdza uye akandizadza chirwere.

“Izvozvi ndava murwere pamusana pake, nhasi ave kuti haachandida? Ndakambozama kuenda kumapurisa kuti tigadziriswe asi hapana chakabuda.

‘‘Izvozvi kumba kwangu kune zvinhu zvake zvaakasiya iye akaenda nezvanguwo. Ndiye anotondishungurudza nekuda kwechirwere chaakandipa,” anodaro Muradzikwa.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Spanera gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>