‘Wakapihwa huroyi natezvara vako’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUMWE mukadzi akaendesa muvakidzani wake kudare redzimhosva achiti anomunanga kuti muroyi uye huroyi hwacho akahupihwa natezvara vake.

Shingirai Mutongi akamhan’arira Judith Majoni kuHarare Civil Court achiti anoda runyararo. Anoti ashaiswa mufaro naMajoni.

“Changamire, ndauyawo naamai ava muvakidzani wangu kuno kudare. Ndanzwa nekutukwa. Vanoti ndiri pfambi uye vanotuka murume wangu zvose nevana vachiti ini ndiri muroyi uye huroyi hwacho ndakahupihwa natezvara vangu. Ndinoda kuti andiudze kuti anozvizivirepi izvozvo,” anodaro Mutongi.

Majoni anoti haapikisane nechikumbiro chaMutongi.

“Handirambe chikumbiro chavo uye handina zvekutaura pamusoro pazvo,” anodaro Majoni. Mutongi Nyasha Marufu akapa Mutongi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>