‘Wakatora murume ndichimuda’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

MUMWE mudzimai ari kuchema-chema achiti akatorerwa murume wake nemumwewo mukadzi apo akange achiri kumuda.

Getrude Marobora akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naSoulstina Kakavingwa achiti ari kumushungurudza.

Kakavingwa anoti ari kushaiswa rugare nemaitiro aMarobora nekudaro anoda kudzivirirwa. “Mambo wangu, amai ava vanondituka uye vainge vakaroorwa nemurume wangu vari mukadzi wekutanga asi vakarambwa. Zvino ndinovapa mendenenzi asi vanondishaudha, handizive kuti sei vachiita izvi. Handidi kuti vandifonere nekuti hapana chandakavatadzira,” anodaro Takavingwa.

Marobora anoti haawirirane nekuti Takavingwa apihwe chikumbiro chake.

“Vanonyepa amai ava handizive kwavanogara. Akanditorera murume wangu ndichimuda uye anouya kumba kwangu murume wacho nekuti hatina kurambana. Iye ndiye honzeri yekunetsana kwedu. Handimutuke asi kuti ndikafonera murume ndiye anodaira foni oti usataure nemurume wangu. Hongu, mendenenzi ndinopihwa asi murume wangu ndinomuda,” anodaro Marobora.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Takavingwa gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>