Warumwa-warumwa muPsl

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Warumwa-warumwa muPsl

Kwayedza

KELVIN Kaindu

KELVIN Kaindu

Abel Ndooka
CHICHANGE chakabvondoka svondo rino kunhandare dzakasiyana dzenyika apo zvikwata zvenhabvu zvemuCastle Lager Premiership zvichange zvichirwira kuenda pamusoro peligi kuti zvigohwina mukombe uyu pakupera kwegore. Chikwata cheHighlanders FC parizvino ndicho chiri kutungamira ligi iri chiine zvibodzwa 20, chichiteverwa neHwange FC iyo iri pechipiri pamwe neDynamos FC izvo zvine zvibodzwa 19 pachimwe nechimwe.

Kune rimwe divi, Chiredzi FC ndiyo yakasenga ligi sezvo pamitambo 10 yayatamba parizvino yePSL yakwanisa kuwana zvibodzwa zvitanhatu chete izvo zvinonzi zvakambogumbura murairidzi wacho Moses ‘Bambo’ Chunga uyo akamboramwa basa kutanga kwesvondo rino zvamumomotera.

Hwange FC vs Dynamos    
Mumitambo iriko svondo rino ichaona Dynamos ichinanga kuHwange uko ichanosangana nechikwata ichi musi weSvondo kunhandare yeColliery Stadium.

DeMbare, iyo inorairidzwa naCallisto Pasuwa, ichapinda mumutambo uyu morari yayo yakasimuka zvikuru nekuti pamitambo yayo mitatu yadarika yange ichingohwina izvo zvakaiona ichikunda zvikwata zvinoti FC Platinum 1-0, Chiredzi FC 1-0 pamwe neTriangle 1-0.
Kozoti kune rimwe divi, Hwange mitambo yayo mitatu yadarika yakaita mangange 1-1 neChapungu United pamwe neChiredzi uye ikazozvambura Shabanie Mine 3-0.

Maneja weDeMbare Richard Chihoro anoti matambiro ange achiita chikwata chavo mumitambo yadarika akasimudza morari yavo zvikuru.
Chihoro anoti Chipangano, sezita remadunhurirwa reHwange, iri kutyisa mwaka uno kana ichitambira pamusha payo asi DeMbare ichanoizvambaradza zvakadaro.

“Chikwata chedu chiri kutamba nhabvu inodakadza uye mitambo yacho mitatu yadarika change chichongotora zvibodzwa zvese saka ndinoona tichihwina svondo rino.

“Hwange yagara kubva kare inoda kutijairira asi rwendo rwuno tiri kuda kuibika zvakasimba zvaisati yamboona.
“Chikwata chiri kutirena zvakasimba chakatarisana nemutambo uyu,” akadaro Chihoro.

Zvakadaro, murairidzi weHwange, Nation Dube paakatyairwa nhare neKwayedza akati akange asiri kukwanisa kutaura sezvo ainge ari pakati pekutaura nevatambi pamwe nevaridzi veChipangano.

Triangle vs Highlanders
Highlanders svondo rino iri kunanga kuTriangle uko ichanosangana nevakomana ve”Sugar” kunhandare yaGibbo Stadium.
Makore maviri adarika, Bosso, sezita remadunhurirwa reHighlanders, yange ichingobvutirwa mukombe weligi pamuromo neDeMbare mushure mekunge yambopedza nguva refu ichitungamira muligi iyi.

Gore rino yatanga zvinonwisa mvura uye parizvino iri kutungamira muligi. Ukuwo Vakomana veSugar vari kutatarika vari kurwira kuti vasaburitswe muligi pakupera kwemwaka saka vanotofanirwa kuhwina mitambo mikuru yakaita seyeBosso.

Murairidzi weBosso, Kelvin Kaindu, anoziva kuti kana vachida kuhwinawo ligi gore rino vanofanirwa kuzvambura zvikwata zvidiki zvakaita seTriangle.

Bosso parizvino ichiri kumboongorora vatambi vayo vaviri – Kuda Mahachi pamwe naPeter ‘Rio’ Moyo – avo vange vakakuvara masvondo adarika.

Harare City vs Bantu Rovers
Mwaka uno zvinhu hazvina kutanga zvakanaka kuHarare City iyo yakatanga nekubayiwa mitambo yayo mitanhatu yakatevedzana zvakapotsa zvadzingisa murairidzi wacho, Bigboy Mawiwi.

Vatsigiri vazhinji venhabvu vange vave kutsutsumwa zvikuru nekudzikira kwange kwave kuita chikwata ichi icho gore radarika chakapotsa nepadiki kuhwina mukombe weligi, chikazongokundwa negoal difference chete asi change chakaenzana pazvibodzwa neDynamos iyo yakazogadzwa humambo.

Mumitambo miviri yadarika, vakomana veSunshine City Boys, rinova zita remadunhurirwa reHarare City, vakakunda Black Rhinos 3-1 uye vaikaita mangange 0-0 neHow Mine mumutambo wavo wekupedzisira.

Svondo rino Harare City ichange iri pamusha apo ichasangana neBantu Rovers ‘Tshintshaguluva’ Mawiwi anoti ari kushanda nesimba kuti asimudzire chikwata chake kuti chiende pamusoro peligi.

City parizvino yakagara pechi15 muligi uye yakasiya Chiredzi nechibodzwa chimwe chete.
“Tave kusimuka manje, vanhu ngavatipe nguva vaone zvatichaita.

“Mumutambo wedu wekupedzisira ndinoona sekunge takatamba zvinodakadza nekuti How Mine inogona uye iri kutamba nhabvu yakasimba saka mukaona muchiita mangange zvinorakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo.

“Tave kutarira zviri mberi mumutambo wedu neBantu Rovers iyo yandinoona iri kutambawo nhabvu yepamusoro.
“Tikaramba takabatana ndinoona tichisvika kure,” akadaro Mawiwi.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino , CAPS United “kepe-kepe” iyo parizvino iri pakati pekukakavadzana nevatambi vayo pamwe nevatsigiri nenyaya dzekusabhadharwa mari, ichange iri pamusha payo paGwanzura apo ichasangana neShabanie FC kozoti kuMandava Stadium kuZvishavane chichange chakabvondoka apo FC Platinum ichasangana neBlack Rhinos.
        Mitambo
Buffaloes FC v How Mine FC
Hwange FC v Dynamos FC
Caps United FC v Shabanie Mine FC
Z.P.C Kariba FC v ChapunguFC
Chicken Inn FC v Chiredzi FC
Harare City FC v Bantu Rovers FC
Triangle United FC v Highlanders FC
FC Platinum v Black Rhinos FC

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey