WC: Africa iri kurasika papi?

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
WC: Africa iri kurasika papi?

Kwayedza

KUBURITSWA kwakaitwa zvikwata zvemuAfrica mumagroup-stages emutambo weWorld Cup — uyo uri kutambwa kuRussia pari zvino — kwakakatyamadza vatsigiri venhabvu vazhinji avo vane mubvunzo mukuru wekuti Africa inombotumirei zvikwata kumakwishu aya pasina zvairi kunobura zvisvinu?

Zvikwata zvishanu zvaimirira Africa zvinoti Nigeria, Senegal, Tunisia, Egypt neMorocco zvese zvakabuda mumagroup-stages pakashaya kana chimwe chakasvika kumaquarter-final nesemi-final yemutambo uyu kunyangwe hazvo zvikwata zvacho zvainge zvizere nevatambi vane matarenda.

Munhorondo yeWorld Cup, zvikwata zvemuAfrica pazvakanyatsotamba zvaingoperera muquarter-final izvo zvakakwanisika kuitwa neCameroon mugore ra1990 kuItaly, 2002 neSenegal kuKorea-Japan kozoti Ghana mugore ra2010 kuSouth Africa.

Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro nevaongorori vakasiyana venhabvu avo vanoti zvikwata zvemuAfrica hazvisi kugadzirira nemazvo uye nguva ichiripo mutambo uyu.

Shasha yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvakaita seCAPS UNITED nemaWarriors — Alois Bunjira — anoti dambudziko rezvikwata zvemuAfrica nderekusagadzirira nenguva.

“Masangano anotungamirira nhabvu muno muAfrica ndiwo anokanganisa, haarongere zvikwata zvavo hurongwa hwemitambo yekugadzirira kuenda kumitambo mikuru.

“Kana zvahwina tikiti rekuenda kuWorld Cup, zvinongomirira kuti mitambo iyi ichisvika voenda kungonotamba asi panodiwa gadziriro dzakasimba uye vachitamba mitambo nezvikwata zvimwe zvakasimba,” anodaro.

Bunjira anopa muenzaniso weGermany iyo yakahwina World Cup mugore ra2014 apo mutambo uyu wakaitirwa kuBrazil achiti nyika iyi yakaita hurongwa hwemakore 10 kuti izohwina mukombe uyu.

Anoti Germany yakatsvaga vatambi vechidiki vayakabika kwemakore akawanda vachishanda navo avo vanove ndivo vakazohwina mukombe uyu mugore ra2014.

“Tarisai muenzaniso weGermany, yaiziva kuti ichada kuhwina World Cup ndokuve nehurongwa hwemakore 10 ekubika vatambi vavo avo vayakazoshandisa zvinove zvakabatsira apo yakazosimudza mukombe uyu mugore ra2014. Manje muno hatimbofunge nezvazvo tinongotarisa kuti vatambi vari kunze ndevapi mototi huyai mutambe nhabvu. Isu muno muAfrica tiri kuziva kune Qatar 2022 asi hatisati tatanga gadziriro dzacho tozongozviona pamaqualifiers chete asi tingadai takatanga kare tave kutobika vatambi vechidiki iye zvino vatichazotumira kumutambo uyu,” anodaro Bunjira. Mashoko ake anotsinhirwa neimwe shasha pakuongorora nhabvu — Barry Manandi — achiti nhau huru iri pakugadzirira mutambo uyu nenguva.  Manandi anopa muenzaniso weBelgium — iyo iri kupisa kumutambo weWorld Cup pari zvino zvichitevera kuburitsa kwayakaita  Brazil, Japan uye yakakunda England muboka rayo – achiti chikwata ichi chave nemakore akawanda chakabatana kubva vatambi vacho vachiri vadiki.

Barry Manandi

“Gadziriro inodiwa nenguva uye vatambi ngavabikwe vachiri vadiki. Zvinoda kuti vatambi vabikwe vachiri vadiki vokura vese sezvakaitwa neBelgium vatambi varipo vave nemakore akawanda vachitamba vese. Iye zvino nhabvu yavari kutamba inonwisa mvura uye vane mukana wekusvika kure vese,” anodaro Manandi.

Shasha yakambonetsa ichitamba nhabvu kuNigeria – Emmanuel Amunike – achinyora padandemutande nguva pfupi yadarika, anoti Africa iri kusarira kumashure nekuti haisi kutevedzera zviri kuitwa nenyika dzekuEurope zvekusimudzira matarenda evatambi venhabvu kubvira vachiri vadiki.

Emmanuel Amunike

“Mutambo weWorld Cup uyu wange uchinakidza zvikuru uye zvinorakidza kuti dzimwe nyika dzakadira mari mune vechidiki yekuvabika avo vave kutamba mumutambo mukuru uyu.

“England ine St. George’s Park, France ine Clairefontaine, Belgium ine Centre of Excellence kuTubize kozoti Croatia ine maFootball Centres akawanda. Nzvimbo idzi dzinobatsira kubika nhabvu uye nekurera vatambi vachikura yobika vatambi vepamusoro.

“Ndizvo tiri kushaya kuAfrica ndiko saka tiri kusarira kumashure tisingaende kure. Kana tikagadzira nzvimbo chaidzo tinotanga kuhwina tichiita zvisvinu,” anodaro Amunike.

Share This:

Sponsored Links