Uncategorized

WekuAmerica akatakura mimba kwegore rese

26 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

KANA zvinhu zvakanaka, munhukadzi anotarisirwa kutakura pamuviri kusvika pakusununguka kwakwana mwedzi mipfumbamwe kana kuti mazuva angangosvika 280 apo mwana anenge aumbwa zvakazara.
Zvisinei, kune vamwe vana vanosunungukwa nguva isati yakwana apo mudzimai anenge asvitsa mwedzi minonwe aine pamuviri mwana wacho achikwanisa kurarama.

Tsvakiridzo yakaitwa neKwayedza padandemutande reRefence.com inoratidza kuti munhoroondo yepasi rose, Beaulah Hunter, wekuLos Angeles, kuUnited States, ndiye akatakura pamuviri kwenguva yakarebesa kudarika vamwe apo akasununguka mugore ra1945 mushure mekutakura nhumbu kwemazuva 375 uye mwana wake aive akagwinya zvikuru.

Izvi zvinoreva kuti mudzimai uyu akatakura mimba kwegore nemazuva gumi.
Kunze kwaHunter, kune mumwe mudzimai zvakare uyo asina kudomwa nyika yake anonzi akazvara mwana mushure mekutakura nhumbu kwemazuva 317.

Zvakadaro, vanamazvikokota veutano vanoti dzimwe nguva vamwe vana vanofa mushure mekunge vazvarwa nguva isati yakwana kana kuti yadarikidza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey