Wese ane utachiona hwehiv anganwe maarv here?

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Wese ane utachiona hwehiv anganwe maarv here?

Kwayedza

cathrineHURUKURO inganetse nhasi uno ndeye kuti munhu angatanga kunwa mapiritsi emaARV apo anenge angoonekwa kuti ane utachiona hweHIV here?

Parizvino sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinoti munhu awanikwa aine utachiona hweHIV CD4 Count yake iri 500 zvichidzika anofanira kunwa maARV.

Mugore 2011, WHO yakatara kuti munhu ane utachiona hweHIV uye CD4 Count yake iri 350 ndiye aikodzera kupinda pachirongwa. Makore ainge apfuura vaishandisa CD4 Count ye200. Zimbabwe ine vanhu 1 400 000 vari kurarama neutachiona hweHIV (UNAIDS 2012).

Hurumende, kuburikidza nebazi rehutano nekurerwa zvakanaka kwevana, yakaparura chirongwa chekuti vasingakwanise kutenga vega mapiritsi emaARV vapihwe pachena. Chirongwa ichi chakatanga mugore ra2004. Tichishandisa CD4 Count ye350, vanhu vanosvika 670 000 vaive pachirongwa ichi mugore ra2013.

Pakazonzi munhu ane CD4 Count ye500 zvakareva kuti vanhu vakawanda vainge vofanirwa kupiwa mapiritsi emaARV. Nhasi umo kune vanhu vanodarika 500 000 vanokodzera kupihwa mapiritsi vasati vave kuawana.

Munyika ino tine homwe inomirira HIV/AIDS inonzi National AIDS Trust Fund iyo inoshanda ichizivikanwa seAIDS Levy.

Mugore ra2013, AIDS Levy yakaunganidza mari inosvika $36 miriyoni.

Global Fund mugore ra2013 kusvika 2016 yakapa Zimbabwe mari inoita $520 miriyoni yekurwisa malaria, chikosoro cheTB uye HIV/AIDS. Homwe yedu isu senyika inorakidza kuti inhava diki-diki chose uye zvinofanira kutivhundutsa.

Kune musangano mukuru wanga uchiitwa kuVancouver, kuCanada uko kunove ndiko kwakabuda nhau yekuti chero awanikwa aine utachiona hweHIV atange kunwa maARV. Dr Meg Doherty vekuWHO kuchikamu chinoona nezveHIV/AIDS vanoti sangano ravo richaparura zvinotarisirwa kuve zvisungo zvitsva mukupera kwegore rino. Chiremba ava vanoti kuchange kwonzi munhu wose angowanikwa aine utachiona hweHIV, zvisinei nekuti CD4 Count yake yakamira sei, anenge otonzi ngaapiwe mishonga yemaARV.

UNAIDS yakazivisa mumwedzi wapfuura kuti sepasi rose MDG6, iyo inokurudzira kurwiswa kwekupararira kweutachiona hutsva hweHIV uye kuti vanhu 15 miriyoni vapihwe mapiritsi ema ARV, yainge yatove tsuro iri munhava.

Zvisungo zvitsva izvi zvinoreva kuti vanhu vanosvika 36,9 miriyoni pasi rose vachange vave kuda kupinda pachirongwa chekuwana mapiritsi emaARV mugore ra2020.

Mumwe murairidzi wechikoro chedzidzo yepamusoro muno, Dr Iris Shiripinda, vanoti hongu zvingayevedze asi izvi zvinhu zvinoda kunyatsotarisa senyika kwete kumedza hwemhisi riri pachirauro sehove.

“Kuongororwa ropa nekuonekwa uine utachiona wobva waiswa pamishonga yemaARV zvinoyevedza chose. Asi, ngatitarisei isu senyika kuti tinopakwanisa here uye homwe yedu yakamira sei,” Dr Shiripinda avo vanodzidzisa kuFaculty of Health Sciences paAfrica University vakadaro. “Iro sangano reWHO radii kuti isu senyika tambotanga takwanisa kupa vari kuda mishonga parizvino tisati tavhura mujaho kune veruzhinji. Munoona kunwa mapiritsi kweupenyu hwose harisi dambe. Inga munhu akatadza wani kuteedzera zvinotarwa nachiremba kwesvondo rimwe chete bedzi, ko kuzoti kweupenyu hwose? Imika,” vakadaro Dr Shiripinda.

“Munoziva ritori dambudziko kuti munhu anwe mishonga kwehupenyu hwose zvino zvomoti nevakazvisimbira vachinwa mishonga zvinozogoneka here? Sangano reWHO ngarione kuti mishonga yadzika mitengo, vanhu vari kuda mishonga pazuva ranhasi vauwana vose vasati vada kuvhura masuwo ekumarinda ekuti wose anzi ane utachiona hweHIV ngaachinwa maARV. Iyi inzira inotyisa chose yavari kuda kuparura, izvi kuti nditi zvinoshamisa kunyepa zvinototyisa,” vakadaro Dr Shiripinda.

Zvakadaro, takatarisa vanorarama neutachiona hweHIV muZimbabwe nhasi tinoona kuti hongu maARV vangapiwe pachena asi akasangana nedambudziko rinoda kuvhenekwa anenge ofanira kubhadhara mari.

Martha Tholanah mudzimai anorwira kodzero dzevanorarama neutachiona hweHIV uye iye ari mumwe wavo anoti anoshushikana nekuti kutanga kunwa mapiritsi handiko kupedza dambudziko.

Munhu anofanira kuzove neutano hwakanaka.

“Semuenzaniso, ngatitii pane mudzimai wechidiki ane makore makumi matatu nemashanu okuberekwa ane vana vaviri uye achirarama neutachiona hweHIV. Haasi kunzwa zvakanaka naizvozvo anofanirwa kuitwa viral load iyo inoda mari inotangira pa$80 kusvika $100 mumarabhoratori emudhorobha. KuNewlands Clinic (muHarare) kunove kwayakadzikira muripo inoda $35 uye mudzimai uyu haana mari iyi. Zvoreva kuti haacharapwi nekuti haana kuongororwa nekupiha zvakabuda zve‘viral load’?” akabvunza Tholanah.

Kana maARV ekutanga ari kunwiwa nemudzimai uyu asisashande zvinoreva kuti ave kuda kupiwa mapiritsi ane simba asi izvi zvinoitwa kana aitwa ‘viral load’ iya.

Wenyu: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>