Weti yamadhamu kupe!

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Weti yamadhamu kupe! court

Kwayedza

—‘Ndakakudira kamwe chete’

— ‘Unonyanya kuita chipfambi’

Lizzy Mushoriwa —
PANE murume ari kuchema-chema mudare achiti mudzimai wake anomuonesa ndondo sezvo dzimwe nguva achimudira weti apo vanenge varere mumagumbeze achimupomera kuva neshamwarikadzi.

William Chamisa akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira mudzimai wake — Nyarai Mubaiwa — achikumbira gwaro redziviriro.

“Changamire, ndinokumbirawo gwaro redziviriro, kuti amai ava vasandishunguridza. Ane mhirizhonga mukadzi uyu. Anouya kumusika kwangu achipwanya matomatisi andinotengesa uye kana apedza oti anoda mari yechikafu. Ndinenge ndichaiwanepi iye apwanya zvinondiwanisa mari?” anodaro Chamisa.

Anoenderera mberi achiti Mubaiwa anomudira weti husiku apo anenge arere.

“Ane tsika yekundidira weti husiku uye akapedzisira nekundidira mugomo chaiwo ndakarara. Ukamubvunza anonditi ndine shamwarikadzi zvinova zvekunyepa,” anodaro.

Achipawo divi rake, Mubaiwa anoti zvose zvinotaurwa nemurume wake manyepo.

“Baba ava handivashungurudze, kubasa kwavo handiende asi ipfambi baba ivava. Ndinogara ndakabatwa nezvirwere zvepabonde nekuti mamwe mazuva havauye kumba. Saka ndinofunga kuti vanenge vari kushamwarikadzi, apa havadi kushandisa dziviriro pabonde,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Chamisa ane tsika yekuona mavhidhiyo ezvinyadzi, izvo zvinokanganisa vana vavo.

“Murume uyu ane tsika yakashata ishe wangu, anoona ponogirafi izvo zvinokanganisa vana vedu uye weti ndakamudira kamwe chete yaitova yake futi weti yacho,” anodaro.

Chamisa anoti zvenyaya yake yekuona zvinyadzi vakataurirana zvikapera uye haachazviite futi.

“Ichokwadi chavari kutaura asi handichazviite futi. Kana zviri zvemadzimai ndakasiya, asi amai ava vanongoramba vachiita mhirizhonga, ndave kutotyira upenyu hwangu,” anodaro.

Mutongi akapa Chamisa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links