World aids Day yadongorera

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
World aids Day yadongorera world aids day

Kwayedza

MUMAZUVA mashoma anotevera, Zimbabwe ichange ichibatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva guru reWorld AIDS Day (WAD).

Mhemberero huru dzichaitwa nomusi wa1 Zvita kuWhite City Stadium, kuBulawayo, pasi pedingindira rinoti: “Kuvhara pombi dzinomutsa utachiona hutsva hweHIV”.

Hurongwa hwemhemberero idzi huri kufambiswa mumatunhu ese uye vamwe vatsigiri vari kubatsira kuti chirongwa ichi chifambe zvakanaka. Masangano akasiyana akauya nepfungwa dzakadzama dzekufambiswa kwechirongwa ichi uye vamwe vakavimbisa kuchitsigira nemari pamwe nezvekushandisa.

Mai Snatra Nyathi vanove provincial manager weNAC kuBulawayo vanoti vari kugutsikana negadziriro dzemhemberero dzezuva reWorld AIDS Day.

“Sedunhu tiri kufara zvikuru nekubudirira kuchaita World AIDS Day uye kuti tisu tichange tichifambisa chirongwa ichi. Tinotenda zvikuru nerutsigiro rwuri kubva kuvakotsveri vakatsaukana,” vanodaro.

Vanoti vanokurudzira ruzhinji rwevanhu kuti vauye nehuwandu hwavo kumhemberero idzi. Zvimwe zvichaitwa pazuva iri kubatidzwa kwemakenduru (candlelight memorial) senzira yekurangarira vanhu vakarasikirwa neupenyu nekuda kweutachiona hweHIV uye negomarara.

Mhemberero dzeWorld AIDS Day dzinocherechedzwa zvikuru pasi rose munyaya dzeutano uye dzinopa mikana kumasangano akasiyana kuti ange achikusha mashoko echenjedzo maringe neutano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey