World Cup yopinda mugiya dzvuku

21 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MUTAMBO weFIFA World Cup kuBrazil uri kupinda padanho repamusoro svondo rino apo zvikwata zvizhinji zvichange zvichirwira kuhwina mitambo yazvo kuitira kuti zvikwanise kufambira mberi. Mumitambo yakatambwa svondo radarika, zvikwata zvakaita seSpain, England, Uruguay nePortugal zvaitarisirwa kuhwina mitambo yazvo yekutanga asi zvakarakashwa zvinopisa tsitsi.

Spain, iyo inove iri kurwira kuchengetedza mukombe uyu, yakakwapaidzwa 5-1 neNetherlands kozoti Uruguay yakakundwa 3-1 neCosta Rica, England 2-1 neItaly iyiwo  Portugal yakazvakatswa 4-0 neGermany.

Pazvikwata zvemuAfrica zviri kumutambo uyu, Ivory Coast ndiyo yega yati yakwanisa kusimudza mureza weAfrica yose zvichitevera kukunda kwayakaita Japan 2-1 mumutambo wayo wekutanga.

Zvimwe zvikwata zvakaita seCameroon yakakundwa 1-0 neMexico uye Ghana yakakwapaidzwa 2-1 neUSA kozoti Nigeria yakaita mangange 0-0 neIran.

Maziso eAfrica yese achange ari muGroup C svondo rino apo Ivory Coast ichasangana neColombia mumutambo wechipiri.

Mumutambo wekutanga, Ivory Coast yakakunda Japan 2-1 ukuwo Colombia yakadashura Greece 3-0.
Musi weChishanu uchaona zvikwata zvemuGroup D zvekare, Italy neCosta Rica, zvichisangana. Zvikwata zviviri izvi ndizvo zviri pamusoro peboka iri zvichitevera kuhwina kwazvakaita mitambo yazvo yekutanga.

Zvichange zvichirwira kuita mangange kuti zvikwanise kufambira mberi mumuambo uyu.
MuGroup E, France iyo iri pamusoro muboka iri zvichitevera kukukunda kwayakaita Honduras 3-0, ichasangana neSwitzerland iyo iri pasi payo kunyangwe zvazvo yakakundawo Ecuador 2-1.

Chikwata chaDidier Deschmaps, France, chave kungoda zvibodzwa zviviri chete kubva mumitambo yacho miviri yasara ukuwo maSwiss anoziva kuti akawanawo zvibodzwa zviviri kubva paLes Blues neHonduras anokwanisa kuenderera mberi.

Mugore ra2010, Ghana yakashamisa vatsigiri venhabvu vazhinji apo yakapinda muquarter-fainari yemutambo uyu kuSouth Africa.

Asi gore rino iri panguva yakaoma nekuti iri muGroup G umo mune zvikwata zvinoti Germany, Portugal neUSA iyo yakaikunda 2-1 svondo radarika.

Svondo rino musi weMugovera ichasangana neGermany, iyo ine huturu hukuru uye ichangobva kurakasha Portugal 4-0. Portugal inotambirwa naCristiano Ronaldo  anove World Player of the Year asi hapana zvaaikwanisa kuita apo vakarashwa 4-0 neGermany mumutambo wakaona Thomas Muller achipenya paakanwisa “hatrick”  yekutanga kumutambo uyu. Musi uyu uchaona zvekare Argentina ichisangana neIran mumutambo wemuGroup F.

Argentina ndicho chimwe chezvikwata zviri kuzezwa kumutambo uyu sezvo chichitambirwa nevatambi vakaita saLionel Messi, Sergio Aguero, Gonzalo Higuain naAngel di Maria. Mumutambo wekutanga, Argentina yakakunda Bosnia and Herzegovina 2-1 ukuwo Iran yakaita mangange neNigeria.

Mumutambo wechipiri zvekare muboka iri, uyo uchatambwa pakati pehusiku musi weMugovera, maSuper Eagles eNigeria anotarisa kusangana neBosnia and Herzegovina. MaSuper Eagles akarasa mikana yakawanda apo akaita mangange neIran saka anotofanirwa kukunda Bosnia svondo rino kuti ave nemukana wekufambira mberi.

Mumutambo wayo wekupedzisira muboka iri, Nigeria ichasangana neArgentina.
Zvakadaro, gore rino vamwe vatsigiri venhabvu vanoti chikwata cheBelgium chichashamisa vanhu nekuhwina mukombe weWorld Cup. Belgium, iyo iri muGroup H, ichasangana neRussia musi weSvondo. Zvikwata zviviri izvi zviri muboka rimwe chete pamwe neAlgeria neSouth Korea.

Pamitambo yatambwa kusvika parizvino, vatambi vakaita saThomas Muller, Neymar jnr weBrazil, Robin van Persie pamwe naArjen Robben veNetherlands kozoti naKarim Benzema weFrance ndivo vapenya vachimwisa zvinodakadza.

Share This:

Sponsored Links