Uncategorized

Yellow bone iganda, rasta ivhudzi

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
CHII chinonzi zita? Zita izwi kana kuti mazwi anotumidzwa munhu, mhuka, nzvimbo kana chinhu. Kana munhu, mhuka, nzvimbo kana chinhu chikapihwa zita, ndiro rachinozivikanwa kana kushevedzwa nacho.

Tinoziva vanhu nekuda kwemazita avo. Kana Musiki wedu chaiye ane zita – anonzi Yahwe kana kuti Jehovha. Ngirozi chaidzo dzine mazita – ana Gabhueri nana Maikoro.

Nyika dzedu dzine mazita, marudzi evanhu vanogara munyika idzodzo vane mazita, nemitauro ine mazita uye ivowo vane mazita avanopa kumiti, huswa, mhuka, masvosve, ivhu kana michero. Mombe dzedu nembwa zvine mazita. Asi pamazita atinonzwa, pane mamwe anogona kushoresa, kutyisa, kuremedza, kuitisa chiseko kana kushayisa muridzi wezita rugare.

Ndine tsika yekuti ndikaona munhu ndinoda kuziva kuti zita rake remhuri ndiani, uye anobva kupi, ari wemutupo upi. Ndinobvunza kwete kuti ndinyadzise munhu, asi kuti ndinyatsoziva kuti ndiani.

MuHarare tave kuzivana nekuda kwekuti munhu iYellow Bone here, muRasta here, ndiKedha, Ganazi kana kuti ndeweWeave neMake-up zvinodhura. Asika Yellow Bone kana Dread haasi munhu.

Yellow bone iganda, uye rasta ivhudzi, saka hatingashandise mazita iwaya kushevedza vanhu. Tinofanira kuziva kuti Dread vanonzi ani, vachiyera chii.

Ndichikurukura nevanhu ndinoona kuti vechidiki vazhinji havachakwanisa kurondedzera zvinoreva mazita emhuri, kana kuti vanobva kupi kana kuti mutupo wavo kana chidao chavo chii. Ichokwadi vana vazhinji vave kuzvarirwa muHarare, vokurira muHarare zvekuti kumusha imwewo nyika. Dzimwe nguva havatoziva zvinoreva mazita akaita sana Mukanya, Mhazi, Shava nemamwewo.

Asi handipe vana mhosva, nekuti vazhinji vedu tave kukoshesa maLabel emhiri kwemakungwa nekutenga mumaSupermarket. Tinoziva Gucci, Dolce Garbana, Louis Vuitton zvekuti ukanzwa tichitaura nezvemhando yezvigadzirwa zvine mazita aya, unogona kufunga kuti ihama dzepedyo.

Mazita edu, kunyanya emhuri (surnames) ane zvishamiso zvehupenyu hwakararama vanhu vedu pasichigare. Mazita iwayo anotipawo kunzwisisa zvakawanda zviri kuvanzwa nechiRungu.

Ndine vanhu vandinoziva vane mazita akanganiswa kunyorwa nevaRungu, ivo vachibva vangozvisiya zvakadaro. Mazita akakanganiswa kunyorwa akazongoregwa akadaro zvekuti vamwe vanhu havachaziva zvaireva mazita avo kubva pakutanga.

Nhasi uno anaGavi nanaHova vave kunyora mazita avo vachiti Gabi kana kuti Hoba. Nhamo yavo yakafanana nekushevedza Nyavira tichiti Nyabhira, kana VuHera tichiiti Bhuhera.

Mumwe mwana wandinodzidzisa ane zita remhuri rekuti “Hondokosa”. Ndakamubvunza kuti mutauro upi uye zvinorevei kuti “Hondokosa?” Akandiudza kuti muShona, uye kuti Hondokosa kukanganiswa kwakaitwa kunyorwa kwezita ravo chairo rekuti “Hondo kose.”

Zvinhu zvakadai hazvitibatsire sevanhu vatema nekuti kana mazita edu akadamburwa nekushonyororwa, nemhaka yei isu varidzi vawo tichiramba takanyarara sekunonzi zvakatinakira? Sei Nemakonde ichinzi Lomagundi?

Ugoona kurwadza kwazvo, madzishe edu arimo muParliament ivo ana Nemakonde, asi havana basa nekufonyorwa, kuputanidzwa, kutsengwatsengwa nekusvipwa kwezita ravo rave matsengwarengwa.

Mazita ane nhoroondo. Mazita inhoroondo. Chinodiwa kuziva nhoroondo dzacho. Sei Mupandawana ichinzi Mupandawana? Ko Murombedzi, ko Chikombedzi, ko Chikonohono, ko Chitungwiza chii?

MuBhaibheri vana vaSkeva vakarohwa nemunhu ane mweya wetsvina nekuti vakanga vada kushandisa zita raJesu neraPauro kudzinga mweya wakaipa. Mweya wetsvina wakavati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>