Uncategorized

Zamu ranyachide kwachu

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
NYACHIDE pabarika akaendesa vahosi kudare mushure mekunge vamukakatyura zamu zvekukwachuka apo vairwira murume. Florence Gramu akamhan’arira Caroline Sirewu kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare. “Changamire, ndauya kudare ndichida kuti mundibatsirewo negwaro redziviriro kubva kuna maiguru vangu ava. Vandishaisa mufaro, vanondishungurudza zvekuti handisisina rugare. Ndanzwa nekutukirirwa ndichiudzwa magaramoyo vachindiudza zvinonyadzisira zvekuti handisisina kana chimiro muraini mandinogara.

“Mazuva mashoma adarika, vakauya kumba kwangu vakandituka kuti ndiri kuramba nemurume mumba mangu vakandirova. Vakasvika pakundikwachura zamu rangu zvekuti izvozvi nditori nechironda.

“Ndakamboenda kumapurisa ndichinomhan’ara ndichifunga kuti zvingapere asi hazvina, ndipo pandakazoudzwa kuti ndiuye kuno kuzopihwa gwaro redziviriro,” akadaro Gramu.

Sirewu akapikisana nemashoko aGramu achiti vakarwa nekutukana.
“Zvese zvataurwa naamai ava manyepo. Takarwa iye akatondikuvadzawo, kutaura kuno ndine marwadzo mumuviri mangu mushure mekunge tarovana. Zvese zvaari kutaura kuti ndiri kumutukirira ndezvekutopenga kwake chete, iye aitukawo.

“Ini ndakatofonera murume wangu mwana arwara ndichida kuti andipewo mari yekunorapisa mwana saka iye zvakamurwadza kuti ndiri kuenda kuchipatara nemwana ndichiperekedzwa nemurume wangu. Anofunga kuti murume ndewake chete here?

“Chaanofanira kuziva ndechekuti iye ndiye akanditorera murume wangu.
“Akauya pandaigarisana zvakanaka nemurume wangu mushure mekunge iye amitiswa uye ndini ndakatomira-mira kuti adiwe nekuti murume akange ave kumuramba,” akadaro Sirewu.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa gwaro redziviriro kuna Gramu akati vaviri ava vagarisane zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>