Uncategorized

zanu-pf yakaita kurakasha

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
zanu-pf yakaita kurakasha

Kwayedza

Tandayi Motsi

BATO riri kutonga reZANU-PF ndiro rakahwinha matunhu akawanda musarudzo dzekutsvaga nhengo dzedare reParamende dzakaitwa nemusi weMuvhuro uno.

ZANU-PF yakatora zvigaro zvedare iri 144 pamatunhu 207 akange aziviswa kusvika manheru emusi weChitatu svondo rino.

Bato rinopikisa reMDC-Alliance rakakundawo mumatunhu 61, kuchizoti reNational Patriotic Front (NPF) rakatora chigaro chimwe chete uyewo mumwe aive akazvimira, Temba Mliswa, ndokuhwinha kumiririra Norton.

Sarudzo idzi – idzo dzakaitwa nezuva rimwe chete nemusi weMuvhuro 30 Chikunguru – dzaive dzekutsvaga mutungamiriri wenyika, vamiriri vedare reParamende nemakanzura.

Dare reParamende rine zvigaro 210 kureva kuti ZEC yakatozivisa zvakabuda kumatunhu 207.

Zvakabuda kune mamwe matatu asara emuHarare zvakange zvisati zvaziviswa kusvikira pakunodhindwa kwebepanhau rino.

Sarudzo dzakaitwa murunyararo kubvira apo mapato ezvematongerwo enyika akasiyana aiita misangano yekutsvaga rutsigiro pamwe nemusi uyo vanhu vakavhota.

Sachigaro wekomisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC), Justice Priscilla Chigumba, vanoti zvakabuda mumatunhu matatu asara emuHarare musarudzo dzekutsvaga nhengo dzeParamende zvakanonoka kuziviswa sezvo paine zvichiri kugadziriswa.

Vanoti zvakabuda musarudzo dzemutungamiriri wenyika zvinogona kuziviswa chero nguva kana vamiriri vemapato akakwikwidza vapedza kuongororo mafomu anonyorwa zvinenge zvakabuda musarudzo idzodzi.

Zvichakadai, masangano anoongorora pamusoro pekuitwa kwesarudzo anosanganisira African Union, SADC neCOMESA anoti sarudzo dzichangobva kuitwa muZimbabwe dzakaitwa nemazvo.

Mumasoko avo ekutanga ayo avakapa nemusi weChitatu, masangano aya anorumbidza marongerwo nemaitirwo esarudzo idzi achiti ZEC yakabata basa nemazvo.

Anotaurawo pamusoro pezvakasiyana zvinoda kugadzurudzwa pakuitwa kwesarudzo dzichaitwa mumakore anotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>