Uncategorized

zfc yakadyara miti paSt David Primary

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
zfc yakadyara miti paSt David Primary

Kwayedza

GORE rino ZFC Limited yakabatana nenyika yose mukucherechedza zuva guru rekudyarwa kwemiti reNational Tree Planting Day.

ZFC ndiyo kambani huru inogadzira nekutengesa feteraiza pamwe nemishonga yezvirimwa.

ZFC inotenda munyaya dzekudzorera kunharaunda kuitira kuti pange paine kudyidzana kwakanaka pakati payo nemakasitoma ayo pamwe nenharaunda.

ZFC yakadyara miti paSt David Primary School kuMahusekwa, kuWedza nemusi wa30 Mbudzi.

Gungano iri rakapindwa nevanhu vemunharaunda vachitungamirirwa naMambo Nyandoro, mukuru wepachikoro ichi VaShonhiwa, makanzura, vana vechikoro nevaraidzi vepuraimari nesekondari.

Zvakave zvinosimudzira zvikuru kuona kuti vechidiki vakataridza chido chekudzidza kuti vangachengetedze remangwana ravo sei nekudyara miti yakawanda.

St David School yagara iine orchard uye chikoro ichi chakatambira nemawoko maviri mabasa makuru ari kuitwa neZFC Limited.

Mambo Nyandoro vanotenda ZFC nekubatsira kwairi kuita mudunhu ravo.

Vakakurudzira vagari vemudunhu ravo kuti vaite tsika yekudyara miti sezvo iriyo nzira yoga yekuchengetedza nharaunda kuitira zvizvarwa zvemangwana.

Mambo Nyandoro vanokurudzirawo makambani akasiyana kuti atevedzere matsimba eZFC nekudzorera kunharaunda dzaanoshandira ari.

VaShonhiwa — avo vakataura vakamirira vana vechikoro, vabereki nevamwe vemunharunda iyi — vakatendawo ZFC nerubatsiro urwu.

Nyaya yekutsiva miti iri kutemwa kuitwa huni nekugoborwa panenge pachida kuitwa minda uye nekuvakisa idambudziko rakatarisana neZimbabwe.

Izvi zvakaziviswa naZFC Marketing Executive VaJustice Chamuka mumashoko avo apo vakapa miti 200 kuchikoro ichi.

Vakataura pamusoro pekukosha kwenharaunda inokurudzira vana kuti vachengetedze nhaka yavo yemangwana kuburikidza nekudzidza zvakawanda pamusoro pekuti sei miti ichifanira kudyarwa uye kuti vanofanira kuve netarisiro yekubudirira kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.

ZFC Technical Services and Product Support Manager VaJames Chinyahara, avo vanotungamirira chikwata cheZFC Technical Services and Product Support, vakaratidza kudyarwa kunoitwa miti pachishandiswa ZFC Single Super Phosphate.

Single Super Phosphate ifeteraiza yemhando yebasal inobatsira kuti miti ikure zvakanaka.

ZFC ine zvigadzirwa zvakawanda zvinobatsira mukukura kwemiti nezvirimwa.

Mienzaniso inosanganisira ZFC Fruitfert yemiti yemichero, Vegeblend yezvirimwa zvinopa mari yakawanda nekukasika (horticultural crops) neMaizefert (Compound D) neAN (Top dressing) yechibage.

Basa reZFC rakanaka rinotaridzwa nekuwaniswa kwayakaitwa zvitupa zvakasiyana zvinoti Quality, Safety and Environment.

ZFC yakawana zvakare chitupa chehunyanzvi mukuita basa cheSAZ ISO 14001 certification mushure mekunge yatevedzera zvinodiwa mukuchengetedzwa kwenharaunda (Environmental Management System) uye zvose izvi zvinotaridza mabasa makukutu ari kuitwa nekambani iyi mukutungamira nyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>