Uncategorized

‘zibaba’ renyoka muhozi

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
‘zibaba’ renyoka muhozi

Kwayedza

Wimbainashe Zhakata
YAKAVE batai-batai pamumwe musha uri kuChipinge nguva pfupi yadarika zvichitevera kubatwa kwakaitwa mukweshwa weshato uri muhozi yeimwe mhuri.

Nyoka iyi inonzi inoshandiswa mumabasa ekuroya.

Shato inonyoka inochengetedzwa pasi pemutemo muZimbabwe, naizvozvo haitenderwe kuuraiwa kana munhu kugara nayo asina magwaro ekuita izvo.

Zinyoka iri rakabatwa muhozi yemhuri yekwaSithole iyo igere mubhuku raMwandipfura, kwaMambo Musikavanhu, nemumwe muporofita.

Zvinonzi zinyoka iri ndiro rinokonzera hurwere nerushambwa rwakasiyana kuvanhu vemumhuri iyi pamwe nekune vamwe vagari vemunharaunda.

Anyway Sithole (20) anoti shato iyi ndiyo inokonzera kurwara kwemun’ina wake John Sithole (18) uyo ava nenguva yakareba asinganzwe zvakanaka asi dambudziko rake risinganzwisisike.

Anoti imwe hama yavo yepedyo ndiyo yagara ichishandisa nyoka iyi pamwe nechidhoma kukonzera matambudziko makuru mumhuri yavo.

“Tagara tichiziva nezvenyoka iyi uye yatambudza munin’ina wangu kwenguva yakareba. Inoshandiswa munyaya dzine chekuita nehuroyi zvekare yakakanganisa upenyu hwevanhu vakawanda vemubhuku redu,” anodaro Anyway.

Anoti nyaya dzemishonga dzinogona kuita sedzisinganzwisisike asi iri idambudziko rechokwadi ragara rakatarisana nemhuri yavo sezvo paine vamwe vanobata-bata mishonga yakaipa.

Muhurukuro neKwayedza, muporofita wekubata nyoka iyi, Madzibaba Lawrence “Dombo” Kaserera, anoti akaratidzwa mumweya kuti John ari kutambudzwa neshato iyi.

“Pandaimunamatira, pane mweya wedhimoni wakabuda paari uchiti ndeweimwe hama yake yepedyo. Mweya uyu unotsinhira kuti hama iyi inochengeta nyoka yakareba mamita matatu, pakati pezvikwambo zvayo kumba kwake izvo zviri kukangisa upenyu hwemhuri nehwevamwe vanhu vemubhuku rino,” anodaro muporofita uyu.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey