Zim A yogadzirira kuenda kuBangladesh

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
MANEJA weZimbabwe Cricket A kana kuti Zim A, Nicholas Singo, anoti gadziriro dzechikwata chavo dziri kufamba mugwara apo chakatarisana nekuenda kuBangladesh uko chichanosangana neBangladesh A mumitambo yakatsaukana. Singo anoti parizvino vatambi vavo vari mukembi paHarare Sports Club vachigadzirira kuenda kumutambo uyu.

Chikwata ichi chiri kutarisirwa kusimuka pakupera kwemwedzi uno musi wa28 masvondo ari kutevera uye chisati chaenda chichatamba mitambo miviri yeODI pamwe newetest match nechikwata chenyika.

“Gadziriro dzedu dziri kufamba zvinodakadza uye morari muchikwata yakasimuka zvikuru. Mutambi wese ane hukasha, ari kuda kuenda kuBangladesh kunotamba kumutambo uyu.

“Tichiri kumbotirena asi svondo rinotevera tinotarisira kuti tichatamba nechikwata chenational team mumitambo miviri yeOne day International pamwe nemumwe chete wetest match series. Mitambo yehushamwari yakakosha chaizvo,” akadaro Singo.

Zvakadaro, Singo anoti Zim A ichange yakaumbwa nevatambi vanombotambira muchikwata chenyika vakaita saTinotenda Mawoyo, Shingirayi Masakadza, Razza Butt nevamwe vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu vakaita saDonald Tiripano.

“Chikwata chedu chakasangana vatambi vamwe vanombotambira munational team kozoti vechidiki vari kusimukira.
“Tinovimba kuti kusangana kwevatambi ava kuchapa mukana kune vechidiki kuti vakure mumutambo uyu.

“Parizvino Tinotenda Mawoyo naRazza Butt vari kuEngland uko vari kutambira zvikwata zvavo zvakasiyana saka tichazonosangana navo kuBangladesh,” akadaro Singo.

Share This:

Sponsored Links