Zim-dancehall: Zvinyadzi bodo

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zim-dancehall: Zvinyadzi bodo GUNNET PEE

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
SHASHA yeZim-dancehall, Providence “Gunnet Pee” Muganiri, anoti vaimbi vemusambo uyu havafaniri kuimba zvinonyadzisira kana kutukana pachezvavo.

Gunnet Pee – uyo anoimba nechikwata cheHigh Speed Empire – achangobva mukuparura dambarefu rake idzva rinonzi “Nyasha” rine nziyo sere.

Muchinda uyu anoti itsika yakaipa zvikuru inoitwa nevamwe vaimbi vemusambo uyu yekuimba zvinyadzi.

“Kune vamwe vaimbi vemusambo wedu vanofunga kuti kuti unzi uri kugona unofanira kuimba uchinyadzisira kana kutuka. Pakuita izvi sevaimbi veZim-dancehall tiri kuuraya musambo wedu nekuti vateereri vazhinji havafariri zvinonyadzisira. Mashoko ekunyadzisira anokanganisa hunhu hwedu, kunyanya kune vechidiki,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Pachivanhu chedu, mashoko anonyadzisira haataurwi paruzhinji kana kuti vana vachinzwa. Zviri kukanganisa vana mafungiro avo. Havachazivi mashoko ekutaura pane vanhu neasingataurwi. Nziyo dzinotsikiswa dzeZim-dancehall kana mimwe misambo dzinofanira kuteererwa nemhuri yese yakaungana kwete kuzoita dzimwe dzinonzi hadziite kuteerera paine vanhu vakuru,” anodaro.

Gunnet Pee – uyo anoimba nziyo dzerudo – akambonetsa nekambo kanonzi “Kababie Kari Fine”.

Padambarefu rake idzva iri anoti akatorawo mukana wekurumbidza shanduko iri kuitika kumusha kwake kwa- Zvimba kupfurikidza nekambo katova nevhidhiyo – “Ngoma yekwaZvimba”.

“Nziyo dzangu hadzisi dzekungofadza veruzhinji asi kutendawo zviri kuitwa neHurumende pamwe nemakanzuru kunzvimbo dzakasiyana-siyana nevanotimiririra. Mukambo kanonzi ‘Ngoma yekwaZvimba’ ndakatora mukana wekutenda kanzuru yekwaZvimba neHurumende kuburikidza nekuvandudza kuri kuitwa nzvimbo yedu nekuvakisa zvakaita sezvimbudzi pamwe nezvikoro,” anodaro.

Anoti chimwe chezvikoro chitsva chakavakiswa munzvimbo yavo ndecheMurombedzi Secondary School.

“Ndinovimba kuti kuimba ndichirumbidza mabasa akanaka atinenge tichiitirwa munyika pamwe nemunharaunda dzatigere kunoita kuti musambo uyu uonekwe kukosha kwawo,” anodaro Gunnet Pee.

Zvakadai, maneja waGunnet Pee – Ndodana Khumalo – anoti ari kutarisira kuti muchinda uyu achisvika kure sezvo aine chipo chekuimba.

“Maimbiro ake akanaka pakuti anoimba nziyo dzisingangoridzwe nevekumabhawa chete asi kuti kwese chero kumba. Izvi zvinoita kuti nekufamba kwenguva awane vatsigiri vakawanda nekuti anenge achibata kwese kufadza vanhu, kupa dzidziso pamwe nekurumbidza zviri kuitwa neHurumende. Chishuviro changu ndechekuti dai awana rubatsiro kubva kune vanokwanisa kuitira kuti aridze nekutsikisa nziyo dzake pasina kushaikwa kwemari kana zvekushandisa,” anodaro Khumalo.

Share This:

Sponsored Links