Uncategorized

Zim ichapemberera World aids Day

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Zim ichapemberera World aids Day Kubatidzwa kwemoto wemakenduru (The Candlelight Memorial) pamwe nezvirongwa zvekupa chenjedzo yekudzivirira kutapurirwa utachiona hweHIV, zvimwe zvezviitiko zvachaitwa mhemberero dzeWorld AIDS Day dzegore rino dzisati dzaitwa.

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa

NOMUSI waZvita 1 vanhu vazhinji vachange vakananga kuRujeko Secondary School kuGlendale, kuMazowe District mudunhu reMashonaland Central uko kuchange kuchiitwa mhemberero dzeWord AIDS Day (WAD).

Dunhu iri rakasarudzwa senzvimbo yekuitira mhemberero idzi nekuda kwekuti riri pamberi munyaya dzeutachiona hweHIV nechikamu che18,6 percent.

Dingindira regore ra2018 rinoti: Ziva paumire.

Chinangwa chedingindira iri ndechekurwisa huwandu hwenyaya dzeutachiona hweHIV uhwo huri kuramba huchinyuka munyika.

Kunze kwekukurudzira vanhu kuti vange vachiziva pavamire, dingindira iri rinokurudzirawo vanhu kuti vavhenekwe zvirwere zvakadai serurindi, zvepabonde nezvimwe zvisina zviratidzo zviri pachena kusanganisira zvegomarara.

Kune avo vanenge vaonekwa kuti vane utachiona hweHIV, zvakakosha kuti vange vachiziva huwandu hwemasoja ari mumuviri mavo (CD4 Count) pamwe nehuwandu hweutachiona nekuti kuziva izvi kunobatsira kuti Zimbabwe inge ichibudirira mukuzadzikisa zvinangwa zvayo zvegore ra2020 zvinodaidzwa kunzi 90 by 90 by 90 targets pamwe nekupedza AIDS muna2030.

Zvinangwa izvi zvinoreva kuti chikamu che90 percent chevanhu munyika avo vari kurarama neutachiona hweHIV vanofanira kuziva pavamire, chikamu che90 percent  chevari kurarama neutachiona hweHIV vanofanira kuwaniswa mishonga yemaARVs uye chikamu che90 percet cheavo vari pamishonga iyi vanofanira kunge vakwanisa kuderedza huwandu hweutachiona mumiviri yavo.

Sangano reNational AIDS Council (NAC) pamwe nevabatsiri varo vacharamba vachitsigira zvirongwa zvekurwisa HIV kusanganisira kuvhenekwa kweutachiona hweHIV, kupangwa mazano, kuchecheudzwa, kudzivirira utachiona hweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana, kurapwa kweHIV, kurwisa nyaya dzerusarura nekushandiswa kwemakondomu pakati pezvimwe.

MuAfrica yose, Zimbabwe – kuburikidza nesangano reNAC – ine chirongwa chemushandirapamwe mukurwisa HIV nekuona kuti inenge yapera mugore ra2030.

Gadziriro dzemhemberero idzi dzave pachidanho chepamusoro uye vatsigiri vakatogadzirira kuratidzira mamwe emabasa achange achiitwa pazuva iri.

VaDavid Nyamurera vanova provincial manager weNAC kudunhu reMashonaland Central vanoti  vakawana rutsigiro rwakanyanya segadziriro yechiitiko ichi zvisinei nekuti vachiri kutsvaga rutsigiro rwemari nezvimwe zvekushandisa kuti mhemberero idzi dzifambire mberi zvakanaka.

“Tinokurudzira ruzhinji rwese rweZimbabwe kuti rwuuye kuzopemberera uye kudzidza zvakawanda. Nyaya dzezvifambiso tichange tichizivisa nekufamba kwenguva,” vanodaro.

Dunhu reMashonaland Central rinonzi rine huwandu hwevanhu 99 000 vari kurarama neutachiona hweHIV uye nyaya itsva  2 940 dzekunyuka kweutachiona hweHIV pagore.

Muna 2017 mhemberero idzi dzakaitirwa kuBulawayo uye muna2016 dzakaitirwa kuKwekwe mudunhu reMidlands.

Kubatidzwa kwemoto wemakenduru (The Candlelight Memorial) pamwe nezvirongwa zvekupa chenjedzo yekudzivirira kutapurirwa utachiona hweHIV, zvimwe zvezviitiko zvachaitwa mhemberero dzeWorld AIDS Day dzegore rino dzisati dzaitwa.

Pasi rose, mhemberero dzeWorld AIDS Day dzinoitwa nomusi waZvita 1 gore negore uye dzinopa mukana wekurwisa HIV pamwe nekutsigira vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV nekurangarira vakatisiya nekuda kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>