Uncategorized

Zim yoratidza kuExpo Milano

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE iri kuratidza zviratidzwa zvayo zvakasiyana munyaya dzezveupfumi pagungano guru reExpo Milano 2015, kuMilan, kunyika yeItaly uko inotarisirwa kudzidza zvakawanda pamusoro pekutenga nekutengeserana nedzimwe nyika nedonzvo rekusimudzira upfumi.

Zviratidzwa izvi zvakatanga nemusi wa1 Chivabvu uye zvichaenderera mberi kusvika musi wa31 Gumiguru.

Bazi rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana ndiro riri

kutungamirira chirongwa ichi, richitsigirwa nemamwe mapazi eHurumende.

Zvichienderana nehurongwa hwegungano iri, Zimbabwe iri

kutarisirwa kuita zuva rayo guru reNational Day, kuMilan ikoko nemusi wa31 Nyamavhuvhu.

Zviratidzwa zvepagungano

iri zviri pamusoro penyaya dzekuchengetedzwa kwemagetsi, kuwaniswa

kwekudya kweveruzhinji

nekusimbaradzwa kwenyaya dzezveutano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>