Kwayedza
ZIMBABWE iri kuratidza zviratidzwa zvayo zvakasiyana munyaya dzezveupfumi pagungano guru reExpo Milano 2015, kuMilan, kunyika yeItaly uko inotarisirwa kudzidza zvakawanda pamusoro pekutenga nekutengeserana nedzimwe nyika nedonzvo rekusimudzira upfumi.
Zviratidzwa izvi zvakatanga nemusi wa1 Chivabvu uye zvichaenderera mberi kusvika musi wa31 Gumiguru.
Bazi rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana ndiro riri
kutungamirira chirongwa ichi, richitsigirwa nemamwe mapazi eHurumende.
Zvichienderana nehurongwa hwegungano iri, Zimbabwe iri
kutarisirwa kuita zuva rayo guru reNational Day, kuMilan ikoko nemusi wa31 Nyamavhuvhu.
Zviratidzwa zvepagungano
iri zviri pamusoro penyaya dzekuchengetedzwa kwemagetsi, kuwaniswa
kwekudya kweveruzhinji
nekusimbaradzwa kwenyaya dzezveutano.