Zimbabwe haina kungouya nyore

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views
Zimbabwe haina kungouya nyore

Kwayedza

NEMUSI weMuvhuro, 11 Nyamavhuvhu, svondo rinouya zvizvarwa zveZimbabwe zvichabatana pazuva rekurangarira magamba akazvipira kurwira rusununguko rwenyika ino kubva kuhutongi hwevapambepfumi. Iri ndiro rimwe remazuva akakosha zvikuru munhoroondo yeZimbabwe iro risingafanirwe kutorwa sezuvawo zvaro. Zvakakosha kuti veruzhinji, kunyaya vechidiki, varambe vachitondera zuva iri pamwe nezvarinoreva. Nekuti zvaida kushinga kuti munhu asiye mhuri, baba, amai kana nedzimwe hama dzake achienda kuhondo kunorwira rusununguko rwenyika yake. Vakawanda vakarasikirwa neupenyu muhondo yerusununguko uye iyi idzidzo inofanira kugara ichirovedzerwa kune vechidiki kuti vasakanganwe chezuro nehope.

Ibasa remunhu wose, kunyanya vechikuru, kutsanangurira vechidiki kuti zuva remagamba ehondo yerusununguko rinomborevi. Vanofanira kuziva kuti rusununguko rwavari kuwana nhasi uno haruna kuuya nyore uye kuti vagogara vakangwarira mano-mano emabhunu sezvo vechidiki ava vari ivo vatungamiriri vemangwana.

Nyaya yekurangarira zuva remagamba haina chekuita nebato rezvematongerwo enyika rinotsigirwa nemunhu asi kuti ndeye chizvarwa chose cheZimbabwe. Tinodaro nekuti avo vakazvipira kurwira rusununguko rwenyika vairwira chinhu chimwe chete, ZIMBABWE.

Nhasi uno kune mamwe magamba asati avigwa patsva, ayo ane mapfupa ari kumativi mana enyika, kunyangwe kunze kwenyika dzakaita sekuMozambique neZambia. Zvakakosha kuti mapfupa aya avigwe zvine chiremerera uye izvi hazvidi kungomirira kuti zviitwe neHurumende chete asi kuti inofanirwa kubatsirwa nemamwe mapoka akasiyana-siyana. Dai pasina zvimwe zvizvarwa zvenyika ino zvakazvipira kusunungura nyika tingadai nhasi uno tiri papi?

Mwana wemutema aibatwa senhapwa munyika yake yechipikirwa pamwe nekutorerwa minda inevhu rakakorera nevapambepfumi achikandwa kwaive nerukangarabwe. Kunyangwe muguta reHarare chaimo, ichiri kunzi Salisbury, kune dzimwe nzvimbo dzakange dzisingabvumidzwe vanhu vatema kusvika vachinzi vanofanira kusvikako bedzi kana vaine tsamba. Imo muna First Street maisvikwa nevachena bedzi, mutema ukabatwa urimo yaiva mhosva, wotorohwa kana kusungwa. Mumabasa chaimo murungu aitambiriswa mari yakawanda kudarika munhu mutema zvisinei nekuti vanenge vachiita basa rakafanana.

Hudzvanyiriri hwakadai uhu ndihwo hwakatuma vakomana nevasikana kutora gidi nechinangwa chekusunungura Zimbabwe.
Hakunai chido chingadarike ichi, chokuti munhu apire upenyu hwake mukusunungura nyika yake. Nekudaro tinofanira kupa rukudzo rwukuru kune vakazvipira kurwira rusununguko rweZimbabwe.

Hondo iyi yakange isiri nyore sezvo nhasi uno kuine vamwe vakaremadzwa nayo uye vamwe vave nherera.
Kune vamwe vakadududza vodzokera shure apo hondo iyi yakange yopisa asi vamwe ndokuendera mberi.
Aiwa, tinokutendai magamba, vapenyu nevakafa mose.

Tinofanira kugara tichiyeuka rwendo rwakatafamba senyika kusvika nhasi uno. Nhoroondo iyi ndiyo mbambo inotipa gwara rakajeka pamwe nekuumba remangwana redu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey