Uncategorized

Zimdef inokosha: Murwira

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Zimdef inokosha: Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti homwe yeZimbabwe Manpower Development Fund (ZIMDEF) yakakosha zvikuru mubudiriro yeupfumi hwenyika sezvo ichishandiswa mune zvakasiyana sekusimudzira maindasitiri kuburikidza nekutsigira vadzidzi vanoita makosi ezvemawoko.Vakataura mashoko aya mudare reParamende nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weUmzingwane, Retired Brigadier-General Levi Mayihlome.

Rtd Brig-Gen Mayihlome vaida kuti Prof Murwira vatsanangure zvizere basa reManpower Development Levy iyo inobhadharwa nemakambani.

“Bazi iri rinoramba richiremedzere chii makambani kuti abhadhare mari yeManpower Development Levy iyo yandiona seisingabatsire? Gurukota redzidzo yepamusoro ringataure here zvimwe zvezvakashandiswa mari yeManpower Development Levy – kungave pakubatsira vadzidzi kana vashandi – kubva muna2015 kusvika 2017,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti mari yelevy iri kubhadharwa nemakambani iyi yakakosha zvikuru mukusimudzira maindaisitiri munyika.

Vanoti panyaya yekudzidza, Zimbabwe iri pamusoro nechikamu che94 percent chevanhu vanogona kunyora nekuverenga asi paruzivo rwemabasa, nyika ino yakaderera zvakanyanya sezvo iri pachikamu che38 percent.

Vanoti ZIMDEF yakakosha pakugadzirisa mukaha uripo uyu pakati pekudzidza neruzivo pamusoro pemabasa kuburikidza nekuti paburwe nyanzvi dzemabasa.

“Pari zvino nyika yakatarisana nedambudziko guru rekushaya vanhu vane hunyanzvi hwepamusoro hwemabasa sezvakabuda muongororo yakabva kuitwa yeNational Critical Skills Audit apo pakaonekwa paine mukaha we95 percent mumaindasitiri anoenderana nezvesainzi (STEM). Mukaha uyu unokanganisa budiriro yemaindasitiri ayo anoda nyanzvi dzemabasa akasiyana,” vanodaro.

Vanoti ZIMDEF iri kubatsira zvikuru muzvirongwa zvekusimudzira dzidzo yepamusoro.

“Mamwe emabasa akawana rubatsiro kubva kuhomwe yeZIMDEF ndeanoti kuvakwa kweChinhoyi University of Technology Hotel, kuvandudzwa kweHotel St. Patricks’ (Bulawayo), kuvakwa kweKwekwe Polytechnic engineering workshop, ZIMDEF Masvingo Students hostels, Harare Polytechnic Library nekutengwa kwemichina yeongororo yeDNA paNational University of Science and Technology,” vanodaro Prof. Murwira.

Vanoti ZIMDEF iri kubatsirawo mukudzidziswa kwevarairidzi vesainzi kumakoreji anosanganisira Mkoba Teachers College neJoshua Mqabuko Teachers College.

“Bazi redu pari zvino zvakare riri mushishi yekuvamba mizinda yekusimudzira kuvandudzwa kwezvinhu (innovation hubs) kumayunivhesiti matanhatu anoti University of Zimbabwe, Midlands State University, Chinhoyi University of Technology, Zimbabwe National Defence University, Harare Institute of Technology neNational University of Science and Technology. Midlands State University yakatoparura innovation hub yayo.

“Mamwe mainnovation hubs achavakwa zvakare pamayunivhesiti asara eHurumende. Midziyo yemumainnovation hubs aya ichatengwa neZIMDEF,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti muna Ndira uno, bazi ravo richatora vadzidzi vemabasa akasiyana (apprentices) vanogona kusvika 3 000 uye vachatorwa kubva kumativi mana enyika avo vachange vachitsigirwa nehomwe yeZIMDEF.

Prof Murwira vanoti kushandiswa kunoitwa mari yeZIMDEF kunoongororwa gore negore nehofisi yaAuditor General.

Share This:

Sponsored Links