Uncategorized

Zimpapers yakatenda vashandi

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

VATENGESI vemapepanhau ekambani huru muZimbabwe, yeZimpapers Group, avo vakakunda vamwe mubasa ravo mumwedzi mitatu yadarika svondo rapera vakapihwa “kari mubhokisi” apo vakaenda kudzimba dzavo vachinyemwerera mushure mekupihwa zvekudya nezvimwe zvinoshandiswa mudzimba senzira yekuvatenda.

Vachitaura pakutambidzwa kwemibairo iyi, Zimpapers Harare Branch general manager, VaSamuel Bepe, vakati vanofara zvikuru nebasa rinoitwa nevatengesi vemapepanhu.

“Tinoda kuti murambe muchishanda kupinda apa nekuti ndizvo zvinoita kuti kambani isimukire nemiwo muchiwana mihoro yenyu. Ndinokukurudzirai kuti mukoshese zvikwangwari zvinenge zvakanyorwa misoro yenyaya yezuva (posters) nekuti ndizvo zvinokwezva vatengi uye kuti mukasike kuenda panzvimbo dzamunotengesera nekuti zvinoita kuti tisarasikirwe nemakasitoma,” vakadaro VaBepe.

Vachitaurawo pachitiko ichi, mukuru wezvekutengeswa kwemapepanhau muHarare, VaSimbarashe Chirahwi, vakatenda basa rinoitwa nevatengesi vemapepa.

“Gore rapera taive nevanhu vatatu vakahwinha. Asi gore rino makati wedzerei nekuti takasarudza vanhu vatatu pabepanhau rimwe nerimwe. Tinokutendai nekuramba makamira nekambani yenyu kunyangwe zvinhu pazvinenge zvakaoma. Mari shomanana yamunotengesa muchiwana iyoyo inoumba chinhu chikuru,” vakadaro.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, akarumbidza vatengesi ava nekugona kwavo basa.

Akavimbisa kututsira mibairo yevanotengesa bepanhau reKwayedza kudarika vamwe senzira yekuti varambe vaine manyuku-nyuku.

Mumwe wevakahwinha, Judith Kaseke, akakurudzira vatori venhau kuti varambe vachinyora nyaya dzechokwadi dzine chekuita nebudiriro yenyika kuitira kuti basa ravo rive nyore.

Vakawaniswa mibairo iyi vaisanganisira Tatadzei Chikungwa, Gladys Gaba, Josiah Sithole, Stephen Mhondiwa, Thomas Kasvayi, Lovemore Chimutungu, Janet Paradza, Tod Mlambo, Elias Choga naCrybert Katsa.

Zimpapers inodhinda mapepanhau anoti Kwayedza, The Herald, H-Metro, The Sunday Mail, Umthunywa, Chronicle, B-Metro, Manica Post, The Sunday News, Zimtravel neBridal. Ndiyozve varidzi venhepfenyuro yeStar FM.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>