Uncategorized

Zimpapers yodhinda mabhuku ekunyorera

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Zimpapers yodhinda mabhuku ekunyorera Cde Mutsvagwa vachiparura muchina mutsva wekuTypocrafters.

Kwayedza

Typocrafters pfacha . . .

Munyori weKwayedza

ZIMPAPERS Group – huru yadzo dzose pakudhinda nekuburitsa nhau muZimbabwe – svondo rapera yakavhura zvakare imwe yemakambani ari pasi payo, yeTypocrafters, ndokukumikidza muchina unodhinda mabhuku echikoro ekunyorera unokosha $1 miriyoni sedanho rayo rekubatsira mukumutsiridzwa kwemaindasitiri uye kuti mabasa awanikwe.

Danho iri rinounza upenyu hutsva kuTypocrafters iyo yakavharwa makore manonwe adarika.

Muchina weTypocrafters mutsva – UNO RB104 – ndewe chizvino-zvino uye unokwanisa kugadzira mabhuku ekunyorera 4 miriyoni pamwedzi izvo zvichaita kuti kambani iyi ive nechekuita mukusimudzira chikamu chedzidzo muZimbabwe.

Vachitaura vari kuBulawayo pachiitiko ichi, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nekutepfenyura, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti vanonzwa kufara zvikuru nedanho iri, iro richaona Typocrafters ichiita mabasa makuru muchikamu chedzidzo sezvo mabhuku ekunyorera anenge avepo achiendeswa kumativi ose enyika.

Munyori mukuru kubazi rekufambiswa kwemashoko nekutepfenyura, VaNick Mangwana (kuruboshwe), VaDeketeke naVaNkomo pakuvhurwa kweTypocrafters.

Vanorumbidza Zimpapers nekutevedzera chikumbiro chemutungamiri wenyika President Mnangagwa chekuti pave nekukura mukushanda kwemaindasitiri akasiyana, kuvandudza upfumi hwenyika uye kuti pave nekuvambwa kwemabasa matsva.

“Kuvhurwa zvakare kweTypocratfers nhasi nekukumikidzwa kwemuchina unokosha $1 miriyoni uyo unodhinda mabhuku ekunyorera zvinotaura pamusoro pemikana iripo muupfumi hwenyika uye zvinoenderana chose nemutauro wekuti Zimbabwe yakazaruka kumabhizimisi,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

“Kana tichitaura pamusoro penyaya dzekusimudzira upfumi, hatisi kungotarisira kune vekunze chete. Tinoda kusimudzira upfumi zvakanyanya kunoitwa nevemuno uye Zimpapers yaratidza kuti iri kunzwisisa mashoko atinenge tichitaura.”

Vanoti kudhindwa kwemabhuku ekunyorera neTypocrafters kuchasimudzira chikamu chedzidzo munyika zvikuru.

“Nekudhinda mabhuku 4 miriyoni pamwedzi woga-woga, Typocrafters ichatora chikamu chikuru chemusika uye izvi zvichaita kuti mitengo yemabhuku aya ireruke,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Votaurawo, Zimpapers general manager Commercial Printing Division, VaNjabulo Nkomo, vanoti vakavandudza Typocrafters nedonzvo rekuti itekeshere nenyika yose.

Vashandi veTypocrafters vachigadzira mabhuku ekunyorera.

Chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti: “Takapinda muBulawayo apo takavamba The Chronicle (bepanhau) muna1894 uye kubva ipapo takaramba tiri muno muGuta reMadzimambo nemadzimambokadzi. Naizvozvo, tinonzwa kuti tiri mumusha medu kana tiri muno, nekudaro tichashanda kuti Bulawayo idzokere pakuva mwongo wemaindasitiri muZimbabwe.”

Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko nekutepfenyura, VaNick Mangwana, gurukota reHurumende rinomirira Bulawayo, Cde Judith Ncube, sachigaro webhodhi reZimpapers, VaDelma Lupepe, nhengo yebhodhi iri Muzvare Rejoice Nharaunda nevamwe vakuru-vakuru vekambani iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>