Uncategorized

Zimpapers yonyorazve nhoroondo

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Zimpapers yonyorazve nhoroondo vaDeketeke

Kwayedza

Tandayi Motsi
KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimbabwe Newspapers (1980) Ltd, svondo rino yakapihwa rezinesi rekutepfenyura terevhizheni neBroadcasting Authority of Zimbabwe (BAZ).

Danho iri raita kuti Zimpapers ive kambani yekutanga muZimbabwe kuve nezvose munyaya dzekuburitsa nhau apo yava mune zvekudhinda mapepanhau, kutepfenyura paredhiyo nepaterevhizheni, chikamu chedigital, nechekupekwa kwezvinhu zvakasiyana.

Rezinesi rekutepfenyura terevhizheni iri rauya panguva iyo Zimpapers Group yange yatove nechikamu cheterevhizheni chinodaidzwa kuti Zimpapers Television Network (ZTN).

Chikamu ichi chiri kutungamirirwa nemutori wenhau ane mukurumbira, Nomsa Nkala uye ZTN yakatozvigadzirira zita rayo kare kuburikidza nezvirongwa zvemavhidhiyo emakambani pamwe nezvimwe zvakawanda.

Chamangwiza weZimpapers Group, VaPikirayi Deketeke, vanoti kupihwa kwaita kambani yavo rezinesi reTV kwazadzikisa chishuwo change chiripo kwenguva chekuti ive nezvose munyaya dzekuburitsa nhau.

TV yekambani iyi inotarisirwa kunge ichionekwa nevanhu vanosvika 3 miriyoni.

“Sekambani inofunga nekukasika, takaita ongororo, tikatarisa kune vamwe vari mudunhu redu vatinokwikwidzana navo pamwe nevamwe pasi rose vari kuita bhizinesi seredu. Kenya, South Africa, United Kingdom, United States neAustralia ndiko kumwe kwatakatarisa,” vanodaro.

“Zvakave pachena kuti nyaya dzemabepanhau nekudhinda zvakasiyana handizvo chete zvine chekuita nekuburitswa kwenhau, kunyangwe zvazvo zvichiramba zvakakosha. Takaona kuti nyaya yedigital huru. Takaonawo kuti kutepfenyura nhepfenyuro kune pundutso,” vanodaro.

VaDeketeke vanoti Zimpapers yakazove nehurongwa hwemakore mashanu hwezvaida kuitwa mukusimudzira bhizinesi.

Izvi zvakaona nhepfenyuro yeStar FM ichitangwa muna 2012 ndokuzouya Diamond FM mugore ra2015.

“Chido chedu chenhepfenyuro chakaramba chichikura zvekuti apo Kingstons Limited yakauya kwatiri ichiti ine marezinesi maviri enhepfenyuro muHarare neKariba, takabvuma kushanda navo panhau yeCapitalk FM neNyaminyami FM, nhepfenyuro mbiri idzo dziri kusimukira zvikuru,” vanodaro VaDeketeke.

Zimpapers ine chikamu cheBroadcasting Division icho chinotungamirirwa neshasha yekutepfenyura, Comfort Mbofana.

Kambani iyi zvakare ine chikamu cheDigital and Publishing Division, icho chinodhinda bepanhau reKwayedza, uye chichitungamirirwa naVaMarks Shayamano chichiona nezvemapenhau ose pamwe nebandiko redigital.

Pamusoro pezvo, ine chikamu chechitatu cheCommercial Printing Division chinotungamirwa naVaNjabulo Nkomo, uye kuchikamu ichi ndicho chine Natprint.

“Maziso edu, zvisinei, akaramba akatarira mubairo mukuru, weterevhizheni. Makore matatu adarika, chirongwa cheZimpapers Television Network chakatanga kuonekera,” vanodaro VaDeketeke.

Nkala anoti danho rekuve nerezinesi reTV iri chikamu chitsva munhoroondo yezvenhau muZimbabwe izvo zvange zvakatarisirwa neindasitiri yezvenhau yose.

Share This:

Sponsored Links