Uncategorized

Zimpapers yorwisa gomarara

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Zimpapers yorwisa gomarara Beatrice Tonhodzayi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, neMugovera uno ichaita chirongwa chekufamba chinodaidzwa kuti Cancer Power Walk nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara mumaguta matatu anoti Harare, Bulawayo neMutare uye iri kukoka veruzhinji, kusanganisira vanhurume, kuti vauye nehuwandu hwavo kuzotsigira chirongwa ichi.

Chirwere chegomarara chiri kushungurudza vanhu vazhinji munyika pamwe nekutora upenyu hwevanhu vakawanda.

Chirongwa ichi cheZimpapers Annual Cancer Power Walk chiri kuitwa nekambani iyi yakabatana nesangano reIsland Hospice.

MuHarare, chirongwa ichi chichange chichiitwa paOld Hararians Sports Club, kwaMutare paManicaland Motoring Club uye kuBulawayo vanhu vachange vakaungana paCoughlan Primary School.

Vachange vari pamakungano aya – avo vachafamba kwemakiromita mashanu – vachawaniswa zvakare mikana yekuvhenekwa zvirwere zvakasiyana pachena senzira yekusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Mukushi wemashoko kuZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti kune vanhurume vakawanda vari kusaririra munyaya dzezvirongwa zvine chekuita neutano, zvikuru sei nyaya dzegomarara apo dzinongotorwa sedzemadzimai bedzi zvisinei nekuti zvirwere hazvina rusarura.

“Takaona kuti varume vakawanda vari kusaririra zvikuru munyaya dzekuwaniswa ruzivo uye kurapwa gomarara. Vazhinji vanotozouya kuzvipatara gomarara ratokomba. Varume vanobatwawo negomarara remuzamu uye reduriro saka hatingati zvirwere zvizhinji izvi zvinobata madzimai bedzi ndiko kusaka tiri kukurudzira varume kuti vange vachipinda muzvirongwa zveutano nehuwandu hwavo. Zvakakosha kuvhenekwa gomarara nekukasika kuti urapwe nekukasika zvakare,” anodaro Tonhodzayi.

Anoti kana munhu akashanyira makiriniki mazhinji, madzimai ndiwo ari kuwanikwa ariko nehuwandu hwavo.

“Chirwere chegomarara remuchibereko chiri kukonzera ndufu munyika, zvikuru gomarara remhando yeKaposi Sarcoma, gomarara remuzamu nereduriro rinova rinokurumbira kuvarume.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rinokurudzira varume vane makore anodarika 40 ekuberekwa kuti vange vachivhenekwa gomarara nekukasika asi varume vazhinji vari kuratidza kushaya hanya nazvo. Zvirwere zvegomarara zviri kuwanda zvakare kuvana uye vamwe vanhu vari kuonekwa vachitsvaga rubatsiro rwekuti vanorapwa kunze kwenyika sezvo mishonga yacho ichidhura apo mimwe yacho isingawanikwi munyika muno,” anodaro.

Bev Sebastian anova Island Hospice and Healthcare director anochema-chema nekushomeka kwemishonga inoshandiswa kuvarwere vanenge vari panhovo kuti vange vachikwanisa kuderedza marwadzo yakadai semorphine.

Gore rino, Zimpapers Annual Cancer Power Walk iri kuitwa pasi pedingindira rinoti: ‘Tinokwanisa, Danho Rimwe neRimwe Rinoverengwa’.

Vatsigiri vechirongwa ichi vanosanganisira Beta Holdings, Cimas, Tanganda Tea-Tingamira, Medirite Healthcare, Corporate24, Ngoda Granites, National Aids Council, Megafest Holdings neMotoring Club.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>