Zimplats inokoshesa utano hwemushandi

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Zimplats inokoshesa utano hwemushandi

Kwayedza

cathrine
ZVINOKOSHESHWA nevanhu zvakasiyana-siyana asi kambani inochera platinum kuNgezi yeZimplats inoti mushandi ndicho chinhu chekutanga chinokosha zvakanyanya kwairi. Izvi zvakakaziviswa nageneral manager wekambani iyi, VaTakawira Maswiswi, svondo rakapera pamusangano wakarongwa neNational Aids Council uyo wakaitwa nguva imwe chete yaiitwa Mine Entra kuBulawayo.

“Isu seZimplats tinoti mushandi ndiye musimboti wekambani nekuti mushandi ndiye anoita kuti tive nekambani,” vakadaro VaMaswiswi.
“Kudzivirira tsaona kumushandi tinoona zviri zvinhu zvinokosha, hatingodziviriri njodzi mumigodhi bedzi, tinopa vashandi magambutsu, herumeti, hovhorosi, magirovhisi uye utano hwemushandi hunokosha naizvozvo tinoti mushandi adzivirire kutapurira utachiona hweHIV,” vakadaro VaMaswiswi.

VaMaswiswi vakati vanokurudzira vashandi vavo kushandisa makondomu kana vachinge vachiita bonde uye pamwedzi woga woga vanopa makondomu 15 000 kusvika 20 000.

“Mwedzi wega wega tinopa makondomu anosvika 15 000 kuvashandi vedu. Mwedzi ungave nezororo tinotoona kuti tapa makondomu anosvika 20 000. Aya anosanganisira ese echirume neechikadzi ayo tinopihwa nasahwira watinoshanda naye wePSI,” vakadaro.
VaMaswiswi vakazivisa kuti gore rapera havana kuva nerufu rwakakonzerwa neAIDS.

“Mugore ra2013 hatina mushandi akafa kuburikidza nehurwere hune chekuita neAIDS. Gore rino hatinazve uye tinotarisira kuti hakuzove nenhamo yakadai,” vakadaro.

Zvakadaro, vakati vachine dambudziko nezvirwere zvepabonde kuyangwe zvavo vachipa makondomu akawanda.
“Tichine dambudziko rezvirwere zvepabonde hatizivi kuti makondomu anonoshandiswa nemazvo here, hauzivi zvinozoita munhu avhara gonhi rake.

“Tinoona kuti maSTI anokwira mushure memutambo wemagitare izvi zvinoratidza kuti vanhu vanongotorana neasiri mudiwa wake vorara pasina dziviriro. Iri richiri dambudziko guru uye tiri kurwisana naro,” vakadaro VaMaswiswi.
VaMaswiswi vakati Zimplats haingotariri divi reHIV chete asi kuti utano hwevashandi hwese.

“Tine makiriniki maviri, vanachiremba vaviri, manesi nevanobatsira basa pakiriniki. Vanachiremba vedu vane zuva rimwe chete pasvondo iro vanopinda munharaunda vachinorapa pachena.
“Nharaunda ine utano inoita kuti basa rireruke,” vakadaro VaMaswiswi.

Zvakadaro, vanoti vashandi vese veZimplats vanogara mudzimba dzinoyemurika.
“Kwaive nenzvimbo yainzi kuMahuswa kwaigara vashandi vecontract uye vamwewo vaitengesa zvinhu zvakasiyana-siyana kuvashandi asi hakuchina nzvimbo iyoyo takavaka dzimba mushandi wese ava kugara pakakodzera,” vakadaro.

VaMaswiswi vakati vari kuedza kuona nzira dzekubatsira nadzo vashandi vanenge vaenda pamudyandigere.
“Tine dambudziko nemushandi anenge aenda pamudyandigere, anoenda kumusha kwake naizvozvo hatizomuoni nguva nenguva naizvozvo hutano hwake hatizonyatsogona kuhutevedzera,” vakadaro.

Mushandi ane hutano anoita kuti basa riende mberi naizvozvo utano hwevashandi imhare yeZimplats.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links