Ziva gomarara remuura

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoti veruzhinji vanofanira kuve neruzivo rwakadzama pamusoro pegomarara remuura (colon cancer) iro rinobata hura hukuru (large intestines) kusvika kunzvimbo inoburitsa tsvina (rectum).

WAG – kuburikidza negwaro rayo rinonzi Utano Hwako Upenyu Hwako – inoti mhando yegomarara iri rinobata varume nevakadzi, kunyanya vane makore 50 zvichikwira.

Asi kune dzimwe nyaya dzegomarara remhando iri dziri kuwanikwa kuvanhu vari pasi pemakore 50 ekuberekwa.

Chirwere chegomarara hachitapuriranwe kubva kumunhu chichienda kune mumwe asi chinongouya nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vari panyatwa:

Chikamu che90 percent chevanhu vane makore 50 zvichienda mberi chinoonekwa chiine chirwere ichi.

Kana mumhuri maunobva mune vanhu vakambobatwa nechirwere ichi, zvakakosha kuti unovhenekwa nekuti mikana inogona kuvapo yekuti uchibatewo.

Kusanduka kunoita magini emuviri kunogona kukonzera kuti munhu agumisire ave negomarara (genetic predisposition).

Kana uchigara uchiita dambudziko rekurwadziwa pakuita tsvina, unogona kunge uri panyatwa yechirwere ichi.

Madzimai ane nhoroondo yedambudziko remuchibereko, gomarara remuzamu kana reduriro vane mikana mizhinji yekubatwa negomarara remuura.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti chimwe chikafu chinodyiwa nevanhu chinovaisa panyatwa yegomara remhando iyi. Chikafu ichi chinosanganisira chine mafuta akawanda, nyama tsvuku, chikafu chisina calcium kana faibha yakakwana.

Vanhu vasingadye michero zvakanyanya nevaya vanoputa fodya vari panyatwa zvakanyanya.

Zviratidzo zvegomarara remuura:

Gomarara remuura rinotanga pashoma nepashoma richozowedzera nekufamba kwenguva nekudaro zvakakosha kuti munhu aende kunoona chiremba nekukasika kana achinzwa marwadzo muura.

Munhu anogona kuita manyoka, kusanduka kwenguva dzekuita tsvina, kurwadziwa mudumbu, kufufutirwa nekunzwa kuti paye paanoita tsvina inenge isiri kubuda yose.

Munhu anogona kubuda ropa panzvimbo inobuda netsvina kana kutoona imwe tsvina iine ropa.

Kunzwa kupera simba uchiperezeka muviri, kurutsa nekunzwa dzungu.

Zvii zvaungaite?

Enda unovhenekwa nemachiremba nekukasika nekuti unogona kubatwa kuti une chirwere ichi chichibva charapwa chisati chadzika midzi.

Regedza kuputa fodya.

Zvakakosha kuti ugare uine huremu hwemuviri hwakafanira nekuti kuwandisa kwehuremu hwemuviri kunokuisa panjodzi yekubatwa nezvirwere zvegomarara. Kune mhando gumi neimwe dzegomarara dzinodyidzana nekuwandisa kwehuremu hwemuviri kusanganisira gomarara remuura.

Gara uchiita mitambo inosimbisa muviri sekuchovha bhasikoro, kumhanya, kutamba nhabvu, kurima mubindu pane kungogara uchidya.

Deredza huwandu hwenyama tsvuku (red meat) yaunodya seyemombe, mabhega, nguruve, bekoni, soseji nezvimwe.

Share This:

Sponsored Links