Ziva kuti ukadonha unosimuka

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Ziva kuti ukadonha unosimuka

Kwayedza

Catherine Murombedzi
HAKUNA munhu akarurama pano panyika, zvimwe zvacho zvinopedzisira zvaendesa vamwe kujeri vamwe kumakuva chaiko.
Munhu akawanikwa aine mhosva kana yakakodzera kuti anobhadhara hutongo hwake akavharirwa hazvireve kuguma kwenyika kwemunhu iyeye asi kuzvigadzirisa nekutanga hupenyu hutsva ndiyo nzira chete.

Svondo mbiri dzapfuura ndakaita hurukuro nemuvambi webazi rinonzi ZMWHSO anonzi Gumisayi Bonzo. Boka iri ndere vanhukadzi vakanopikira jeri nyaya dzakasiyana-siyana. Heinoyi hurukuro yatakaita.

Catherine Murombedzi: Chii chinonzi ZMWHSO?
Gumisayi Bonzo: ZMWHSO zvinotaura kuti Zimbabwe Mighty Women of Hope Support Organisation rinova boka rinomiririra madzimai anorarama neutachiona hweHIV nevanga vari muhusungwa vaine HIV. Patron wedu ndiMai Miriam Chikukwa (Minister of State for Harare Metropolitan).

Musuwo wedu unogara wakavhurika kune wese munhu mutsva ari kurarama sesu munyaya dzeHIV.

Catherine: Sei makavamba boka iri seTrust?
Gumisayi: Takariita Trust nekuti taida kuti ruzhinji rutinzwe uye nechinangwa chekusvika kuvanhu vakawanda vane HIV vanga vari kujeri, vari kumajeri nevana vari mumatambudziko saka takaona kuriita Trust zvine hudzamu.

Catherine: Chii chakaita kuti muvambe boka iri?
Gumisayi: Ndakawanikwa ndine HIV muna 1998 nekudaro semunhu aiva mudzimai ane vana vaviri ndisingashande ndakapedzisira ndava kuita zvinhu zvakaipa nekutsvaga kuraramisa vana vangu uye nevamwe vana vaviri vakasiiwa nemukoma wangu akashaya nekuda kwedenda irori. Nzara nekushaya anokupawo mazano nemabasa ekuzviraramisa zvakasvika pakuti ndisungwe ndikanogara mujeri kwemwedzi miviri nekuti ndakatadza kudzosera mari dzevanhu dzandainge ndatora. Ndiri kujeri ndipo pandakatanga boka revanhu vari kurarama neutachiona hweHIV uye ndiko kwandakaona kuti madzimai ari mujeri vakapara mhosva kwete nekuda asi kuti nhamo nekushaya zvekuita ndizvo zvakavatuma.

Catherine: Chii chinokushingisai?
Gumisayi: Kubuda pachena nezvandiri uye nekugara kwandakaita kuChikurubi. Kugona kusazvidzikisira pasi, kurudziro kubva kuhama, shamwari dziri munharaunda mandinogara. Chinhu chikuru zvakare kuva nevanhu vane chinangwa nemafungiro mamwe chete neangu ekusimudzira madzimai ane HIV nevaiva muhusungwa ndizvo zvimwe zvinondipa simba rekuenda mberi nekuti kungonzi aiva kujeri apa une HIV rusaruro rwacho runobva rwakura uye nebasa chairo hauriwane nyangwe jeri riri rekugadzirisa atadza.

Catherine: Muri kuitei mukuzvisimudzira?
Gumisayi: Tiri kudzidzisa vaiva kujeri mabasa emawoko, tinovadzidzisa mabasa avanofarira ivo, vamwe vari kuita zvekurima maherbs avanoomesa kuita tea vachitengesera mapharmacies. Vamwe vari kugadzira mabhegi, zvuma, kuruka nekugadzira majewellery. Tinorakidzira zvatinoita kuSanganai Expo, Hifa uye takarakidzira kuUNWTO saka naizvozvi tiri kukwanisa kuraramisa mhuri.

Catherine: Vemhuri neve munharaunda vanokuonai sevanhu vari kuzvishandira here?
Gumisayi: Mhuri yangu inondikurudzira zvikuru yakabva yava mushonga wangu wekutanga wakaita kuti CD4 Count yangu ikwire nekuti ndairarama hupenyu husina kufunga zvakanyanya (stress). Vemunharaunda kungonzwa kuti waimbova kujeri havavimbe newe saka havakutambire nyangwe une pfungwa dzakanaka sei. Zvavanofunga pamusoro pangu handinei nazvo nekuti kungotanga kuzvifunga nestress inobva yabata. Pandakabuda mujeri ndakafamba ndichitsvaga rubatsiro rwekuda kubatsira vandainge ndasiya kujeri vamwe vari kupika makore anobva pa6 kusvika 20 uye havana kana hama dzinovashanyira. Takawana rubatsiro kubva kuMayor’s Cheer Fund, the Indian Community nePresidential Fund. Sevanhu vane HIV vaiva muhusungwa, takakumbira City of Harare nzvimbo yekurima maherbs tikapihwa mahekita maviri kuVainona hatisati tatanga nekuda kwekushaiwa zvekushandisa zvakaita semapadza, mvura, mbeu nefetereza. Tinodawo fenzi yekuti tikarima pasabiwe.

Catherine: Chii chamungataurire veruzhinji?
Gumisayi: Munhu agara anokanganisa kana pane munhu ane hama iri kujeri mubvakachirei zvinomupa pfungwa dzakanaka nekuti pavanozobuda vanozoshaya kwekuenda nepekutangira.
Chawana hama hachisekwi, kurudziro huru inobva mumhuri uye hazvidi kuita sefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva zvinobva zvaparadza munhu anogona kuzvisimudza kubva murutsva rwaanenge ari.

Catherine: Ndatenda nemashoko makuru aya Gumi Mwari vatungamire zvirongwa zvenyu.
Gumisayi: Ndivo musiku uye mutungamiri nemurongi.

Share This:

Sponsored Links