Ziva nezvemhuka dzesango

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

CHIKAMU chadarika chakanga chakanangana nevana vemhuka dzinopfuiwa pamusha. Zvino ndavandudza hwaro hwedzinde, apo ndichibatawo vana vemhuka dzesango. Donzvo nderekuti tizive tichitandira mambure edu kwakasiyana mukuedza kutora zvose zvinoenderana nebvunzo redu pakupera kwegore.

Dzimwe dzemhuka dzandichabata hadzinyanyozivikanwe, kunze kweavo vakambovhima kana kuunza huni dzedeza padare ravanasekuru.
Kune mhuka inonzi bumbururwi, iyo vamwe vanoti mhumhi zvisinei kuti ihono here kana kuti ihadzi. Mhuka iyi inobereka mwana anonzi handa.

Nhoro imhuka huru ine nyanga dzakabhodhoroka idzo vamwe vanoshandisa kugadzira mabhosvo kana kuti hwamanda. Iyi mhuka inodaidzwa zvakare kuti nzirawo. Nzirawo hadzi inonzi gurukadzi kana kuti marumbeni hono ichinzi shurama kana iri diki. Nhoro inobereka mwana anonzi mhuru.

Mbizi iya ine mavara machena nematema inonzi gurukadzi kana iri hadzi asi hono inongonzi mbizi hono. Mwana wembizi anonzi njenjeta. Mhara hadzi zvakare inonzi gurukadzi asi kana yava hono yonzi honde. Mwana wacho anonzi mhuru.

Gudo rinogona kudaidzwa kuti diro, bveni kana dede. Remadunhurirwa rinogona kunzi homu homu. Gudo gono rinonzi horomba, mbombo kana kuti hombiro. Kana rave gadzi mazita anoita kupfekerana. Vamwe vanoriti chikoyo kana kuti mhandakadzi kana riri zigadzi ziguru. Mamwe makudo echikadzi anozivikanwa senzenza, nekudaro gudo nzenza rinodaidzwa kunzi mboyi, svambara, ritwiyo kana kuti gonyo. Kana mwana wegudo ave negore rimwe chete anonzi chisamakei.

Mwana wetsoko anonziwo shokorana kana kuti shokorupani. Tsoko itsoko hazvina basa kuti ihono here kana kuti ihanzi. Asi tsoko hono yachembera inonzi hwandamakwakwa.

Gava rinogona kunzi deke. Harishanduke zita nekuti rava gono kana gadzi. Mwana wacho anonzi habwana. Garwe rinobara mwana anonzi ganyamatope. Gono rinonzi gambinga asi kana gono rachemberesa rinonzi hwereshanga.

Mhembwe kamhuka kanoiswa mudanga rimwe chete nemhara kana mhene. Kana iri hanzi inonzi bembwa asi isati yabereka inonzi sheshe asi yabereka inhunzvi. Mukono wacho unonzi dimbura. Mwana wemhembwe itsvana kana mhebwana. Anodaidzirwa zvakare kuti hwishu kana kuti chimera.

Bimha rinogona kunzi gurukura, mwana acho achinziwo tsvana. Bimha gadzi rinonzi gurukadzi gono richinzi hote.
Mvuu hono kana hadzi inongonzi mvuu asi mwana wacho anonzi handachibvuwa.
Njiri inozvara mwana anonzi chinjerete uye kana iri hono inonzi hwami.

Share This:

Sponsored Links