Kwayedza
IVHU
Unozviziva here kuti nyaya yevhu kana kuti yeminda yakatanga kare pakauya varungu muno kuma 1890. Varungu vakanga vauya muZimbabwe vachitsvaga goridhe, asi pavakazoona kuti goridhe rakanga risingangowanikwe pese-pese sezvavaifunga, vakabva vatanga kuita chipata-pata kutora nzvimbo dzekurima nekuchengetera mombe. Kambani yeBSA yakaita kuti zvive nyore kuti vaRungu vawane minda, uye haina kumboita hany’a nekodzero dzevatema vakanga vari varidzi venzvimbo dzaitorwa idzi.