Zivai nezvegomarara remuchibereko

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zivai nezvegomarara remuchibereko

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
SANGANO reNational AIDS Council riri kuedza napose parinogona kuti ringe richirwisa chirwere chegomarara pamwe neHIV zvichitevera kudyidzana kunoita zvirwere izvi.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nanamazvikokota ndokuonekwa kuti chikamu che60% chenyaya itsva dzose dzegomarara dzinodyidzana neHIV. NAC ine hurongwa hwekudzivirira gomarara uye kuti chii chingaitwe kune vane chirwere ichi.

MuZimbabwe, gomarara riri kushungurudza zvikuru sezvo vanhu vanodarika 5 000 vari kubatwa nechirwere ichi uye vamwe vanodarika 1 500 vachifa gore roga-roga. Mhando dzegoramara dzinowanzodyidzana neHIV dzinosanganisira Kaposi Sarcoma, Non-Hodgkins Lymphoma, Primary Central Nervous System (CNS) Lymphoma neCervical Cancer (gomarara remuchibereko).

Zvisinei, mhando dzegomarara idzi dzinokwanisa kubata zvakare avo vanenge vari HIV negative. Mhando dzegomarara dzinonyanya kuzivikanwa muZimbabwe ndedzinoti Kaposi Sarcoma, prostate cancer, gomarara repagurokuro negomarara rechitaka kuvanhurume uye gomarara repamuromo wechibereko, Kaposi’s Sarcoma, rezamu neregurokuro kuvanhukadzi.

Gomarara rinoitika apo mamwe macell emumuviri anotanga kuwanda zvekudarikidza mwero unotarisirwa. MuZimbabwe zvinotaridza kuti vazhinji vanobatwa negomarara vanofa nechirwere ichi kana vakasarapwa. Tichange tichikupai ruzivo pamusoro pedzimwe mhando dzegomarara mumasvondo anotevera.

Dambudziko regomarara remuchibereko:

Gomarara remuchibereko rinozivikanwa zvikuru mukukonzera ndufu dzevanhukadzi muZimbabwe.

Madzimai anenge achirarama neHIV ane mikana yakakura yekutapurirwa utachiona hwepapillomavirus (HPV), uho hunokonzera gomarara remuchibereko.

Rinodzivirika zviri nyore:

Gomarara remuchibereko rinobata madzimai anodarika 11 000 pasi rose pagore roga-roga. Asi chirwere ichi chinokwanisa kudzivirirwa zviri nyore apo vanhukadzi vanokwanisa kuvhenekwa kuburikidza nenzira dzakasiyana dzakadai sePap tests, Visual Inspection neCamera (VIAC). Gomarara remuchibereko rinokonzerwa neutachiona hunozivikanwa nekuti genital human papillomavirus (HPV).

Rinokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekubaiwa jekiseni reHPV kana kurapwa kana richinge rakwanisa kuvhenekwa nguva iripo kuburikidza nePap test. Nekudaro zvakakosha kuti vanhukadzi vose vagare vachivhenekwa chirwere ichi.

Pakutanga hapana zviratidzo zvechirwere ichi:

Dambudziko rine gomarara remuchibereko richangotanga nderekuti hapanai zviratidzo uye ichi ndicho chikonzero zvakakosha kuti munhu akagare achivhenekwa. Munhukadzi anokwanisa kuzoonekwa zviratidzo zvechirwere ichi kana chichinge chave kudingindira. Uye kana izvi zvaitika, zviratidzo zvinonyanya kuonekwa zvinosanganisira kubuda ropa zvisina tsarukano kunhengo yesikarudzi, kutevera zvisinganzwisisike, kubuda ropa panguva yebonde kana kurwadziwa pakuita bonde.

Kana gomarara rasvika padanho iri, rinenge ranonokerwa kuti ringe richirapwa.

Gomarara rinoonekwa nguva yapera:

Chikamu che95% chezvirwere zvegomarara remuchibereko kuvarwere vemunyika dzemuAfrica zvinozoonekwa nguva yapera. Izvi zvinokonzerwa nekushaikwa kweruzivo rwakazara pamusoro pechirwere ichi pamwe tsika nemagariro evanhu.

Nekudaro rubatsiro ruzhinji runopihwa nenyika dzakabudirira rwunenge rwakanangana nekudzivirira uye kurapwa kwechirwere ichi. Zvakadai, imwe ongororo yakaitwa inotaridza kuti vanhukadzi verudzi rwechitema vanoziva zvimwe zvezviratidzo zvegomarara remuchibereko zvisinei nekuti vanofa nekuda kwechirwere ichi.

Vanhukadzi vechitema vanofa zvakapetwa kaviri nekuda kwegomarara remuchibereko kana zvichienzaniswa nevechichena sezvo vachisangana nematambudziko akasiyana mukurwisa denda iri.

Zvii zvitingaite?

Dr John Ncube avo vanove gynaecologist anoshandira munyika muno vanoti panyaya yegomarara remuchibereko zvakakosha kuti vanhukadzi vagare vachiongorora nguva yavo yavanotevera pamwe nezvevanoburitsa. Vanoti kana panguva iyi vakanzwa vachiramba vachirwadziwa kana kuona zvimwe zvavasinganzwisise vanofanirwa kuenda kunoona chiremba.

Kana gomarara rikaonekwa nekuchimbidza, rinokwanisa kurapika zviri nyore. Zvisinei, vanhukadzi vakawanda vanomira kusvikira rave padanho rakaipa izvo zvinokonzera ndufu nekuda kwechirwere ichi.

Enda unovhenekwa gomarara nguva isati yapera! Enda kuchipatara kana kiriniki iri pedyo newe uye ukaonekwa uine chirwere ichi, tora mishonga yako sezvaunenge waudzwa nachiremba.

Share This:

Sponsored Links