Zondo renguruve kunaka!

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Zondo renguruve kunaka!

Kwayedza

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka—

MAZONDO enguruve kudya kunovaka muviri sezvo maari muchinzi munowanikwa zvakaita semapuroteni uye vamwe vanoti anosimbisa tsinga dzemusana, kunyanya muto wacho.Mai Anesu Munatsi vekuZengeza 5, kuChitungwiza, vanorondedzera mabikirwo emazondo aya.

Zvinodiwa:

Kana uchiita ekutenga, tenga mazondo enguruve muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Ageze nekuapara uchiona kuti haasi kusara aine mvere.

Unogona kuchekesa mazondo nemuchina kuita zvidumbu zvakafanira.

Chekerera matomatisi zvakanaka kana kuita ekugireta pamwe nehanyanisi.

Wozodii?

Gadza hadyana kana poto ine mazondo pamoto.

Isa makomichi maviri emvura wokanda munyu wakafanira netwumafuta twushomanana.

Siya zvikwate kusvika zvaibva. Usaise godzamuto.

Kana achinge aibva, mazondo aya anoonekwa nemuto wakakorera uye usarege achiibvisa kusvika pakubvungujika.

Mazondo enguruve anodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde, remhunga kana kungochachura zvako akadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links