Uncategorized

Zororo kufara, kwete njodzi

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views

Kwayedza

WASVIKA zvakare mwaka wezororo. Kutanga svondo rino, takatanga nezororo revana vechikoro. Vanodzidza kuzvikoro zvebhodhin’i vakadzoka zororo reEaster rinotanga musi wa3 Kubvumbi risati ratanga. Kuvharwa kwezvikoro temu yokutanga gore rino kwakabatana zvakanyanya neEaster.

Mhemberero dzeEaster dzinoitwa munyika dzose dzine maKristu nokuti vanenge vachitondera kurovererwa pamuchinjikwa, kufa nokumuka kwaJesu Kristu.

Izororo rakakosha zvikuru kumaKristu kunyange nevasiri vatendi, nokuti inguva yavanowana mikana yokuita zviri pamoyo pavo zvakafanana nokuenda kumamisha, kana kubvakachira hama neshamwari dziri kune mamwe maguta kana kune dzimwe nyika.

Chinoitawo kuti mwaka wezororo watiri kupinda ukoshe ndechokuti, mushure meEaster, kunouya mhemberero dzokuzvitonga kuzere.
Gore rino, Zimbabwe yave kupembera makore 35 okuwana Independence kubva kumaBritish. Imhemberero dzinoitwa zororo rezvikoro riri pakati, nokuti zororo rinotevera nderavashandi, musi wa1 May (May Day).

Asi, nguva yeIndependence inguva yokudzora pfungwa nokuonawo kuti zvinangwa zvokuzvipira kwakaitwa navamwe, zviri mugwara here. Zvikoro zvinovhurwa mazuva mashoma-shoma zvakare mushure meMay Day, musi wa5 May. Mazororo ose iwaya anoda mari. Vana vanenge vachida kudya, kupfeka nokufara, asi vamwe vabereki vari kuti muti usina rwiriko nokuti mari yacho hairingani pane zviri kudiwa zvose.

Ungade kufadza vana, asi kana pasina, hapana. Vapedza kufara, vanenge vave kuda kudzokera kuchikoro zvakare. Zvinodiwa, mazakwatira!
Asi vabereki ngavazvipe mweya wekundiso. Kana vamwe vabereki vakaita maricho kuti vawane mari yokuti vana vaende kuchikoro, zvinotadzisai zvii nhasi uno? Munhu unotadza wega, kwete kuti hapana zviriko zvinopa mari.

Zvingave zvishoma, asi shoko raMwari rinoyambira kuti tisazvidze zuva rezvinhu zviduku.
Tadyara mweya wezororo ratinofunga kuti richave zororo rinopa vanhu rudekaro; ngatichidyarawo mhodzi youpenyu muzororo iri. Upenyu, upenyu kune wose achafamba nengoro yomoto?

Upenyu, upenyu kune vachafamba nezvitima kana ndege. Nokuti mazuva ano mhiri kwamakungwa ndege ndodzave nomukurumbira wokudonha dzichiuraya vanhu. Tinoti zvakare upenyu, upenyu munzira dzinofambwa uyewo papi napapi patingave tiri.
Njodzi mumigwagwa taramba zvachose. Motokari handi chitsvamumeso chokuti vanhu vanotyaira sevasingazivi.

Dzazara mumadhorobha nokumaruwa. Dzave kutochemera migwagwa yakanaka, navatyairi vanotyaira vachiziva kuti vakatakura vanhu, kana kuti vari kufambawo munzira dzine vamwe vanhu.
Ivai nemazororo akanaka, mazororo akaropafadzwa.

Share This:

Sponsored Links