ZRP yoparura gwaro reHIV and AIDS Policy

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
ZRP yoparura gwaro reHIV and AIDS Policy Mapurisa ari pagungano rekuparurwa zviri pamutemo kwegwaro reZRP HIV and AIDS Policy nguva pfupi yadarika pakamba yemapurisa yeMutare Main Camp, kwaMutare.

Kwayedza

Freeman Dube
KUFAMBISWA kwechirongwa chekurwisa kupararira kweHIV neAIDS mumabasa kwosimudzirwa zvikuru zvichitevera kuparurwa zviri pamutemo kwegwaro reZRP HIV and AIDS Policy nguva pfupi yadarika pakamba yemapurisa yeMutare Main Camp, kwaMutare.

Maringe nedonzvo rechirongwa ichi, ZRP ichaita kuti pave nehurongwa hwakazara hwekurwisa kupararira kweHIV neAIDS, kurapwa uye nekuwanisa kwerutsigiro kuvashandi vayo, mhuri dzavo pamwe nenharaunda dzakakomberedza kuitira kuti pave nekuzadzikiswa kwezvinangwa zve90-90-90 panosvika gore ra2020.

Chirongwa ichi chakanaka pakudzivirira kutapurirwa kweutachiona hutsva zvichienderana nedonzvo renyika rekudzivisa kunyuka kweutachiona hutsva, kurapwa kwevane HIV pamwe nekutora matanho ekusimudzira upenyu hwevane HIV neAIDs muraramo yavo.

Zvirongwa zvichange zvichiitwa zvinosanganisira shambadzo maringe neHIV, kutorwa ropa kuti munhu azive paamire maringe neHIV pamwe nekuwaniswa mapiritsi emaARV uye zvose izvi zvichiitwa zvine mutsigo.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, ZRP Propol vekuManicaland, vanoti gwaro iri rakavepo zvichitevera kukosha kwakaita kudzivirira kupararira kweHIV neAIDS.

Vanoti, “ZRP yakave negwaro iri nechinangwa chekuti pave nehurongwa hwakadzama hwekubatsira mapurisa, mhuri dzavo nenharaunda kuitira kuti pasave nekunyuka kweutachiona hutsva hweHIV, pakati pezvimwe.”

Vanoti gwaro iri ibudiriro huru sezvo mapurisa ari panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV apo vanenge vari pabasa vachibatsira vanenge vawirwa nenjodzi dzakasiyana apo vanorasikirwa neropa.

Vanokurudzira vakuru-vakuru vemapurisa kuti vaone kuti gwaro iri ratenderera uye raonekwa nemapurisa ose ari kumativi mana enyika.

Pachiitiko ichi vaivepo vakatandadzwa neminhanzi yairidzwa nePolice Band pamwe nedhirama rakaitwa nevanoita mabasa echipfambi rinonzi CeSHHAR.

Kuparurwa kwechirongwa ichi chikamu chebandiko reZRP Medical Services Annual HIV and AIDS Conference chinotsigirwa neNational AIDS Council.

Vachitaura pamusoro pekusimbisisa chirongwa ichi, NAC Workplace Coordinator – Muzvare Vimbai Mdege vanoti, “Apo tiri kumhanya nhano dzekupedzisira pakupedza AIDS muna 2030, National AIDS Council yakatora danho kwete rekutsigira ZRP chete, asi kuti mapoka ose anoona nezvekudzivirirwa kwenyika kuitira kuti ange achikwanisa kurwisa kupararira kwedenda iri.

“Zvakange zvisiri nyore kuti tisvike kune vanhu vanoshanda kuitira kuti vabatsirike muzvirongwa zveHIV neAIDS. NAC yave nenguva ichiita kuti pave nezvirongwa zvakadai kumapoka akasiyana anosanganisira vashandi vemuHurumende, vanoshanda kumakambani akazvimirira nevanozvishandira. Kuburikidza nemapoka akasiyana aya, tiri kusimudzira kudzivirirwa kwekunyuka kweutachiona hutsva pasina ari kusara.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>