‘Zupco yatirerutsira’

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
‘Zupco yatirerutsira’ Veruzhinji vachikwira mabhazi akaunzwa neHurumende ayo ari kutungamirirwa nekambani yeZupco.

Kwayedza

l ‘Mahwindi rovai pasi’ l ‘Wanzai mabhazi makuru’

Ashley Muchamiri naMilcah Nhakura

VERUZHINJI vari kurumbidza danho rakatorwa neHurumende rekuunza mabhazi makuru ekutakura vanhu pakuenda nekudzoka kumabasa nedzimwe nzendo vachiti izvi zvaita kuti varerukirwe pakufamba.Kutanga kwesvondo rino, Hurumende yakadzosa mabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) nemamwe makuru emakambani akasiyana kuti atakure veruzhinji kubva kunzvimbo dzakasiyana vachipinda nekubuda muHarare.

Danho iri rinotevera kukwidzwa kwakanyanya kwange kwaitwa mari dzekufambisa nevemakombi izvo zvange zvoita kuti veruzhinji vaomerwe zvikuru.

Semuenzaniso, makombi ange ave kubhadharisa vanhu vanoenda kuChitungwiza mari inosvika $8 pakuenda chete asi mabhazi makuru ari kubhadharisa mari iri pakati pe$1 ne$2 parwendo rwumwe chete urwu.

Kwayedza yakaita hurukuro neveruzhinji avo vari kufarira danho rakatorwa neHurumende rekudzosa mabhazi makuru kuti atakure vanhu mumaguta nemadhorobha.

Violet Zhemba wekuNorton anoti anofara nekuuya kwemabhazi makuru.

“Kuuya kwaita mabhazi kwatifadza zvikuru nekuti makombi anga ave kudhura.

‘‘Ndaiti ndikapedza basa manheru pakuenda kumba ndaitambura nekuti makombi anenge ave kudhura kuenda kuNorton,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naJudith Moyana anogara kuKuwadzana, muHarare, achiti upenyu hwange hwavaomera nekuda kwekudhura kwemakombi.

“Vagari veKuwadzana vari kufara kwazvo nedanho ratorwa neHurumende rekuisa mabhazi anotakura veruzhinji mudhorobha nekunzvimbo dzakasiyana.

‘‘Tinofara nekuti mari dziri kubhadharwa kubhazi dzinonzwisisika pane dzinodiwa nevanhu vemakombi,” anodaro.

John Banda — uyo anoita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana muguta reHarare — anoti kuuya kwemabhazi kwarerutsa mutoro wavange vakatarisana nawo pakufamba nzendo.

“Mabhazi anotakura vanhu vakawanda kupfuura makombi uyezve zvinoderedza kuwanda kwemotokari mumugwagwa sezvo vanhu vakawanda vanenge vave kushandisa mabhazi,” anodaro. Morris Zhiwawo wekuChisipite, muHarare zvakare, anotiwo Hurumende inofanira kuwanza mabhazi makuru aya nekuti pari zvino achiri mashoma.

“Hurumende yaita zvakanaka nekuunza mabhazi asi kwatinogara tichiri kungoshandisa makombi.

‘‘Dai Hurumende yagadzirisa ipapo nekuti makombi ave kudhura chaizvo,” anodaro.

Mukuru wekereke yeEcclesia Church of Zimbabwe — Bishop Munyanyi — vanoti zvakakosha kuti mahwindi abviswe munzvimbo dzose dzavanoshandira nekuda kwekuti vanoshungurudza veruzhinji.

“Ini semugari wechikuru wemuHarare, ndinoti mahwindi ose ngaabviswe sezvo vari ivo vanoita kuti mari dzezvifambiso dzikwire nekuti vanenge vachida kusiirwa imwe mari uye mahwindi ari kushungurudza vanhu zvakanyanya pakufamba,”vanodaro.

Share This:

Sponsored Links