Zuva revanhukadzi: Donzvo ngarireruke

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

RINO isvondo rakakosha nokuti musi wa8 Kurume, sezvinoitwa gore negore, pasi rese kusanganisira muno muZimbabwe, kunocherechedzwa zuva rinonzi International Women’s Day.

Nyika imwe neimwe inocherechedza zuva iri zvakasiyana, asi vanenge vachishanda nedingindira regore iroro, dingindira ravanotora kusangano reUnited Nations, kuti rienderane nezviri kudiwa kana kutarisirwa nemadzimai munyika imomo.

Panocherechedzwa International Women’s Day, inguvawo yokutura befu nokuona kuti pane budiriro neshanduko here pane zvinenge zvakatarisirwa nevanhukadzi, kunyanya pane zvavange vakazvitarira mugore rakapfuura. Muno muZimbabwe, vanhu vakanopemberera kwaRukweza, kuManicaland, chinangwa chiri chokuti kumadzimai okumaruwa, International Women’s Day harisi zuva remadzimai omumaguta chete, kunyanya vanhukadzi vomuHarare. Hongu, Hurumende kusanganisira masangano akazvimirira, vashanda zvikuru kubva muna1980, kuti chimiro chemunhukadzi chisimukire mune zvese — kudzidzo, mumabasa nemukurarama zvisina udzvanyiriri, asi mufambo uchiripo.

Chinangwa ndechokuda kuona vanhurume nevanhukadzi vakaenzana, mungava mumabasa, kana kumari dzavanotambira. Ndosaka United Nations yakati dingindira ra2016 rinoti, “Planet 50-50 by 2030: Step it up for Gender Equality.”

Idingindira rakagukuchira, uyewo rinonyatsonzwisiswa nevakamedza mabhii, uyewo vanogara vari mazviri. Muchidimbu vari kuti panozosvikwa gore ra2030, vanhukadzi nevanhurume vanenge vaenzana. Zvinogoneka here? Ipapa panoita kunge panogogonera ndipo pazvinotangira sokutaura kwakaitwa naAmai Kessy Dumba vokuZoe Life Changing Ministries masvondo maviri apfuura pavakati, “Money that is not in your heart, will never be in your handbag.” Yaive kurudziro kumadzimai kuti zvishuwo zvavo, ngazvigare zviri mumwoyo, nokuti kana nguva yasvika, zvinofanirwa kuve zvinobatika, sezvo vagara vachizvishuvira.

Asi chinonetsa Mukwende ndechokuti, hongu, International Women’s Day izuva rinofanira kukosheswa, asi kana pakaita zvimwe zvinhu zvinokanganisa budiriro yevanhukadzi zvofambiswa sei, sezvo madzimai asingabati mumabasa omumahofisi nomumabhizinesi avo chete, asi kuti kudzimba, kumakereke, nekumunda zvakare? International Women’s Day ingabudirire sei mudunhu reSouthern Africa, isu tichiziva kuti madzimai akatarisana nematambudziko akati wandei, kunyanya nyaya yenzara, yakabata nyika zhinji dzemuSadc?

Izuva ringabudirire sei kana mvura yakachena yave dambudziko, nokuti vanhukadzi ndivo vanoona kuti mumba mune mvura here, uyewo kuti mvura yacho yakachena?

Rimwe dambudziko rakatarisana nemadzimai gore rino, namamwe makore apfuura nderokuti ndivo vanotarisana navana vazhinji vari kubva muzvikoro kana maunivhesiti, asi vachishaya mabasa, zvichireva kuti mudzimai anoshanda kana asingashande, akatarisana nedambudziko iri. Hazvirevi kuti kana dambudziko rauya hariperi, asi pari zvino, madzimai akatakura mutoro mukuru, zvokuti zvinoda unyanzvi nomushandirapamwe kuti vakunde. Kana vana vachichema chokudya, pasina kwaunochiwana, kana kwaunogona kukwereta mari unoita sei? Kana basa uchirikwanisa, asi iwe uchishaya mukana unoita sei?

Pfungwa yako inoenda pazuva rinonzi International Women’s Day here, kunyange zvazvo mazuva azvinenge zvakanaka, rinenge riri zuva rakanakira mudzimai nenyika yese?

Mavhoko ari mudingindira reUnited Nations anoitawo kuti ubvunze kuti International Women’s Day izuva revanhukadzi vakadzidza zvapamusoro-soro chete here? Kana neni ndatadza kuzazanura zvakakwana izvozvi zvokuti, “Planet 50-50 by 2030: Step it up for Gender Equality.” Ngazvirerutswe, kuti madzimai ose azive chinangwa.

Share This:

Sponsored Links