Zvadzidzwa mumitambo

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

PAMITAMBO yevechidiki iri mubhuku iri sarudza mishanu chete ugojekesa matambirwo ayo, uye zvayaidzidzisa vana. [25]

Pfukumbwe p.93 – mutambo wezvindori wekutaura zvinhu nemazvo pasina kudarikira kuverenga.

Mutambo unotambwa nezvikwata zviviri.

Zimai rinopfumbata chidyaro mumaoko avana varo, chepiri chinonzi chifembere zvekuti kana chikatadza chekutanga chinoenderera mberi nokutamba. Mutambo uyu unodzidzisa vana kufembera, uye kuita basa rose romumba.

Sarura wako p.84 – mutambo wemagure wekusarudza hwanzvo/musikana waunoda.

Mutambo uyu unotambwa navana vaduku vakati ava kwavo avo kwavo pachiridzwa ngoma. Pakusarudza hapana anosarudza waanonyarana naye, uye mumwe akasarudza hama anosekwa navamwe.

Mutambo uyu unodzidzisa vana kukosha kweukama.

Mazita enzvimbo norudzi p.92 – mutambo wezvidobi unodzidzisa vana kuziva nzvimbo kana nyika nerudzi rwavanhu vari muruwa kana mumutunhu iwoyo.

Mutambo uyu unoitwa navana vakaita denderedzwa vakagara pasi.

Chinodikanwa unyanzvi hwokutaura mazita akawanda anodyidzana ndiko kuti munhu agonzi ishasha.

Mutambo uyu unoita kuti vana vakure vachiziva nharaunda dzakavapoteredza nevagari vadzo.

Mahobi kudai chii gudo? p.90 – mutambo wezvidobi une undyaringo mukati kureva kuti unosetsa. Chinosetsa ndechekuti gudo rinenge richivanza urema hwaro kuvanhu kuburikidza nenhema. Chidzidzo ndechekuti munhu anofanira kufarira nekudada nezvaari nguva dzose.

Nyaganga p.84 – mutambo wemagure wekusarudza musikana kana mukomana waunoda nokudaro unodzidzisa vana kuva nesarudzo yehwanzvo nekutanda nyadzi.

Maga namazembera okusika nyimo p.95 – mutambo wezvindori wekusika nyimo unotambwa navanhu vaviri kana vatatu paguyo kana pabwe. Kudyiwa kwenyimo kudemwa neimwe ichibva yabuda kunze kwesikiro.

Mutambo unodzidzisa vana kutevedza mutemo, uye kukwikwidzana pachiwanikwa shasha.

Kunyararidza mwana p.89 – mutambo wezvidobi unotambwa navanasikana vachiimba vari kumahumbwe masikati apo vakomana vanotamba sevarume vavo vanenge vari kumakura vachiteya shiri nembeva.

Vanonyararidza vana vavo vekumahumbwe kana kuti vachikuya.

Mutambo uyu unodzidzisa vana umai hwekurera nekunyararidza mwana pamwe chete nokuti vakure vachiziva musiyano wemabasa evanhurume neevanhukadzi.

Tsikidzi muramu p.85 – mutambo wemagure unotambwa navakomana navasikana vagere pasi. Mukomana anosarudza musikana waanoda ogara naye pasi pakati pevamwe oimba achiti tsikidzi muramu achinyepera kurumwa netsikidzi kuri kutamba, ukuwo musikana uya anochimukwenya paari kurumwa paya.

Mutambo uyu unodzidzisa vakomana mabimbiri (kutamba nomukadzi mumba).

Mibvunzo nemhinduro yaUgo Hwamadzinza inoenderera mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey