Zvaireva mazita evarwi vehondo

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
TINOPEDZISA zvidzidzo zvinobva muna Kuda Muhondo svondo rino.

Chinhu chinonzi kuteerera murawo chaikosha zvikuru muhondo – vanhu pavanoenda kunopotera kuMozambique vanoudzwa naKomuredhi Pedzi kuti vafambe vakaita mudungwe vachiti patsika mumwe ivo votsikawo vachangobva pabhodha asi vamwe vanotadza kutevedzera chimiso ichi. Izvi zvinoita kuti vasere vasina kutevera varasikirwe nehupenyu vaputikirwa nezvimbambaira.

Chinangwa chehondo chaive chekuti vazukuru venyika yeZimbabwe vazogare zvakasununguka – zvinonzi, “Umbwende hunoshoresa, munhu haangasiye nhaka yeumbwende.” Magamba akatsidza kuti zvaive nani kupere kufa vose pane kuti vazoshorwa nevazukuru vavo vachinzi dzaive mbwende.

Hondo yaive isina mugoni – tinonzwa kuti mukuru mukuru akanga aine humbirimi hwekugona kurwa hondo chaizvo ainzi Kandege akaparara muhondo achirwa nemabhunu. Kuda aive Detachment Commander akabviswa gumbo nebara nemabhunu vachirwisana kuBuhera.

Hondo yaisada vanhu vanocheuka vachitarisa mamwe mativi – tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti mamwe magamba anopanduka achinotengesa hondo kuvachena kana achinge asisade hondo. Zvino magamba ainge akadaro aifanira kuzouraiwa pakarepo nekuti aidzosera hondo yechimurenga mumashure.

Kuhondo munhu wese aive hama yako – vanhu pavanosvika kukamba 1 tinonzwa zvichinzi pakanga pasisina zvekuti ndinozivana nangana nekuti munhu wese aiwanikwa munzvimbo yehondo uye wese weganda dema aive hama yemagandanga. Zvekuitana hama nehama kuhondo hazvaitenderwa.

Mazita emagamba nezvaanoreva:

Iyi itsika yeVaShona yekuti zita rinotumidzwa munhu kazhinji rine zvarinoreva kungave kumuridzi waro, kuvatumidzi vezita, kumhuri yemutumidzwi wezita, kunharaunda igere mutumidzi wezita, chitendero chemutumidzwi wezita, zvichingodaro. Mazita aishandiswa muhondo yeChimurenga nemagandanga aive nezvaaireva takanangana nedonzvo rehondo pamwe chete nezvinangwa zvavo zvekusunungura nyika yeZimbabwe.

Mazita aya aishandiswa asiri echokwadi, izvi zvaiitirwa kuti hama kana mhuri dzavo dzavaisiya kumamisha vachienda kuhondo dzisazoteverwa dzichishungurudzwa nemasoja. Zvino mazita ari pazasi apa anoshandiswa nemagamba achipindirana nezviito neunhu hwavo pamwe chete nemamiriro avo munguva yehondo yeChimurenga.

Komuredhi Kadiki Muhondo – kadiki zvinoreva kuti chinhu chacho chinenge chakanyanya kuita chidikidiki zvikuru. Komuredhi Kadiki vakanga vapinda muhondo vachiri vadiki kwazvo zvinove zvinoenderana nezita ravo. Hunyanzvi hwekurwa hondo hwaive naKadiki hwairatidza kuti akanga akura munyaya dzehondo. Muviri wake waive mudiki asi ari munhu akanga akasimbira mukati ukuwo pameso pake pachiratidza kuti atsenga.

Kuda paanotarisa Komuredhi Kadiki kekutanga anotiudza mashoko anotevera, “Ndakatarisa vaya vainzi Komuredhi Kadiki Muhondo. Zvechokwadiwo vaiva vadiki chaizvo. Sokuona kwangu ndingati vaiva namakore gumi namana chete . . . asati ambokura akanga ave kutoziva pfuti.” P.40

Komuredhi Kandege – ndege inozivikanwa nekumhanya chaizvo. Zita rakomuredhi ava rinoratidza kuti munhu akanga achiziva zvekumhanya. Ndivo vainge vachitungamirira vanhu vaidzidziswa hondo pakamba 2 kuita zvidzidzo zvekumhanya.

Komuredhi Kuda Hondo – kuda kufarira chinhu kana kuita rudo nechinhu. Ava komuredhi vaifarira hondo. Zita iri rinoenderana nekutiza kwavakaita chikoro vachienda kuhondo. Kuda kunorwa hondo vachiuraya mabhunu vari kuZimbabwe.

Komuredhi Mabhunu Muchapera – zita iri rinodudza kuti mabhunu akanga achizoparadzwa nevatema muhondo yeChimurenga. Komuredhi ava vanodudza zita ravo pavanouraya mabhunu zvakanyanyisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey