Zvaiyera vakadzi kupinda muninga

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 12 (Ongororo)
Dzimwe dzenguva munyori anombosiya gwara rerongetedzo rake achimbopa dzidziso kumuverengi (writer’s didactic tone). Muenzaniso wekutanga tinouwana paPeji 121 apo anenge achiti, “zvamunoona amai kana munhu akurisisa hazviziikanwe kuti urwere here kana kuti kukura chete kana ogomera.” Wepiri tinoiona apo anenge achitipa dzidziso yerufu. Tinomunzwa achiti, “Asi kuti vanhu havabvume kuti munhu anogona kufa nekurwara zvepasi hazviite kunonzi akaroyiwa kana kuti akadyiswa muchetura. Nedzimwe nguvawo zvechokwadi hazvishamise kuti munhu apondwe kana kuita zvekuroyiwa” (124).

Muenzaniso wetatu tinouona apo munyori ari kuenderera mberi nedingindira rerufu. Tinomunzwa achiti , “Muupenyu hwedu munhu anoyevedza achataura kwete atonhora aenda kunyika kusingadzokwi” (126).

Tinodzidzawo nezvetsika dzepasichigare apo tinonzwa Revai mupfungwa make achiti, “Zviye asekuru vakandiudza kuti rufu rwavo harutaurwe kana vasati varadzwa kuninga kuya?” (125). Imwe tsika yatinodzidza maererano nechiitiko chimwe chete tinonzwa munyori achititaurir a kuti, “Vemhuri yashe vainyatsoziva kuti mambo haachemwe zvekubongomora mhere musi waafa nekuti izvi zvainzi vavenge vaizotsvaga nzira yekuparadza musha. Vamwe vaitiwo muko wevanhu vemba yashe nekuti vaitya kuti vadzimu vavo vangazotadza kugashira mufi zvakanaka.” (127)

Tinonyatsodzidza kuti Ishe Muchingauta vaive munhu akaita sei kubva mune zvakanyorwa mundima iyi: “Hapana akagona kunyaradza mumwe nekuti vose vakanga varasikirwa nemunhu wavaidisa zvikuru. Samusha airaya mhuri yake asingasarudze. Ishe wevanhu vose vaikudzwa nenzanga yose.” (128)

Maererano netsika, pane panga pasara pokuti, “Mushure memazuva mana Revai akagara nemhuri yake ndokuwirirana kuti mhere iridzwe nekuti vakange vagadzira chivanhu chese chaidiwa’’(128).

“Tichienderera mberi nedingindira retsika iri tinodzidzawo zvimwe zvaiyera maererano nerufu rwamambo. Zvinozonzi, “Madzimai ashe akaedza kukumbira Revai kuti anovaratidza paakange avaradzika asi iye akaramba nekuti yaiva mhiko inoyera kupinda nevakadzi muninga.”

(128) Munyori anoshandisa musambo wemudungwe wemibvunzo kuti tinyatse kuona kutambudzika kuri kuita Revai nekurwara kwasekuru vake, zvichinzi: “Hongu vasekuru manyanyosimbirwa neiko, zijaya rangu? Chiiko chakubayai Hungwe huru? He, aaa . . . makaita chekudyiswa here ndikuritsisei, kana chekutsika murumikwe? Nhai Zenda, Machingauta, zvauya seiko kudai?” (123)

Maererano netsika nemaitiro pane zvatinodzidza maererano naRevai. Tinonzwa Ishe Machinchingauta vachiti kwaari, “Muzukuru, tsvimbo dzese unadzo, mbira idzi dzawakabata uridze zvakanaka. Hosho dzose unadzo zvokuti uchatonga vanhu noungwaru hwako.” (124)

Enzaniso dzashandiswa ndizvowo hazvo. Matsanangurirwo anoitwa chimiro chaMambo Machingauta anoti kusuwisa akati kusetsa. Mukuru uyu adya maKirisimasi akawanda, vhudzi mumusoro umu rainge rapera kuunduka kwava kungosara kasoro kangoti zhwee, kamhanza wanei “kenge ganda remutsipa wehuku yemugurugude.” (121)

Apo Revai anopinda achibva kusango kwakasiya mombe, kumeso kwake kunoratidza kuti hapana chakanaka izvo zvinonzi uso hwake hwakanga hwakasungwa “sehwe mhondi yabva mukuona ropa” (127).

Apo vanhu vemumba maishe vanozoziva kuti ishe hakusisina vanotadza kunyaradzana uyu Revai achingosvimha misodzi maziso ake akatsvuka kuti piriviri “seehwirikwiri” (128) (shiri iya ine besu refu).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey