Zvakachipa zvinodhura

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Zvakachipa  zvinodhura

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya yemurume wekuBulawayo — uyo anonzi ari kuita basa rekuvhiya imbwa dzinenge dzauraiwa nevesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo, reSociety for the Prevention of Cruelity to Animals (SPCA) — nyama yacho otengesera vamwe vagari vemuguta iri, vasingazive.

Murume anongozivikanwa saNdebele bedzi uyu ane siraha kana kuti “bhucha” rake riri padondo pedyo nenjanji apo anotengesera vanoda nyama nemutengo wakaderera kana vaya vanoda kuhodha nyama kwaari.

Chinoshamisa ndechekuti vanhu vanoenda panzvimbo isina hutsanana pari kugara murume uyu vachinotenga nyama iyi.

Iyewo murume wacho kana kungoona zvaari, zviri pachena kuti munhu ane huchapa. Pakashanyirwa nzvimbo inogara Ndebele nevekuchikamu chezveutano mukanzuru yeBulawayo vaine veSPCA, vanonzi vakawana paine nyama yembwa inodarika 100kgs iyo yavakamutorera.

Murume uyu anonzi anofukunura makuva anenge afushirwa imbwa dzinenge dzauraiwa neveSPCA kana kuti dzafa dzoga, umo anotora imbwa achinovhiya — nyama yacho otengesera vaya vanokwezvwa nekufarira zvinhu zvine mitengo iri pasi.

Imbwa idzi dzinosanganisira dzinenge dzauraiwa nekuda kwekuti dzinenge dziine zvirwere zvakaita sechimbwamupengo.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vari kutenga nyama yembwa iyi vari kuisa utano hwavo panjodzi huru. Pane mukana mukuru wekuti vanodya nyama iyi vange vachitapurirwa zvirwere zvakaita saicho chimbwamupengo nezvimwe zvirwere zvinokwezvwa nehuchapa sekorera.

Zvinonetsa kunzwisisa kuti kunyangwe zvikanzi munhu anenge aomerwa, angasvike pakutenga nyama yaasingazive kuti ndeye mhuka rudzii achinodya nemhuri kana kuitengesera vamwe vanhu? Hazvina kumbosiyana nehuroyi. Izvi ndizvo zvimwe chetezvo nevamwe vanhu vari kuisa utano hwavo panjodzi nekutenga chikafu chiri kubikwa munzvimbo dzine huchapa semumaguta nemadhorobha vachida zvakachipa.

Semuenzaniso, muguta reHarare sadza riri kungobikwa kunzvimbo dzisina kukodzera dzinosanganisira kuzviteshi zvemabhazi zvakaita sekunaFourth Street.

Unotoona sadza richibikwa murengi inokwirirwa mabhazi zvisinei nekuti dzimwe nguva padivi parinenge richibikirwa panenge paine tsvina kana weti yevanhu. Kwete, veruzhinji vanofanira kukoshesa utano hwavo nekuti kunyangwe zvazvo chikafu chinobikirwa munzvimbo dzakadai chakachipa pamutengo, asi pakupedzisira chinozodhura kana munhu ave kuda mari yekunorapwa apo anenge orwara.

Hongu, ibasa remakanzuru rekuona kuti maguta kana madhorobha akatsvinda asiwo veruzhinji ngavachengetedza utano hwavo kuburikidza nekutenga chikafu chinobikwa munzvimbo dziri pamutemo, dzinotenderwa.

Veruzhinji vanofanira kukoshesa utano hwavo pamwe nehwevamwe kuburikidza nekusatenga nekutengesa chikafu chine njodzi.

Musangoda zvekudya zvakachipa mutengo nekuti mangwana zvinofuma zvokudhurirai pakurapwa. Koshesai utano!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey