Uncategorized

Zvakanaka zvakadaro kuna Mukwende!

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ndozvireva na Mukwende Washe
Musabvunza kuti ndakange ndaendepi nokuti ndaingonzwa nemarehwa-rehwa kuti vamwe maiti asi Mukwende akadyiwawo nechakamedza mbudzi? Ndiriko! Hatidyiwe zvokumhanya.

Chiripo ndechokuti ndadzoka, asi zvamurimi, musazondinongedza kuti ndini ndauya nezuva raparadza zvirimwa muminda. Makasara zvenyu zvakanaka? Aiwa tiripo, tingaonei zvedu kunyange takamborova sechumi yepepa.

Ndakadzoka nawo mukwende wangu, nokuti inhaka! Muri vangu imi saka regai ndikunyeurirei kuti chakanga chazvimbira chii? Aiwa, zvanga zvanyanya. Inyika yatakarwira tikatora kumabhunu yakange yave kutambwa bhora rechikweshe.

Zvichitanga ndakambofunga kuti kusorana usahwira, ndikatozoona kuti nyaya iya yakwidza mutima, yananga magamba akarwira nyika, ndikatombobvunza kuti asi vanhu vanwa hwahwa hwaiswa musombodhiya here wave kuvapengesa kudaro, pasi rese rakatarisa?

Chimurenga here chakange chave kuzvuzvurudzwa kuiswa mumadhaka kudaro? Saka maida kuti ndinyorei? Ndipembembere madzana mbwananana iwayo sezvaiita vamwe vaiti munhu wese kuna amai, ini vangu ndichiziva kuti vangu varere pachuru?

Kana maizvitsigira, nemiwo kwanai? Kana zvaipirwa mari, chizvibvunzai kuti mari yacho yaibva kupi yaunopihwa wamboburitsirwa makobvu nematete?

Mukwende akazvibvunza kuti magamhidzanwa aya achasvitsa nyika kupi? Ndeokuvaka nyika here kana kwete? Kudherera iye mukuru uya nokuda kwezera rake vofunga kuti takange tisingazvioni? Mozoshama kuti mvura yaramba kunaya sei? Makatinyadzisa. Kana pwere dzine mukaka pamhuno naKudzi Chipanga, vakange vave kuudza maVice President kuti ndivana “babamunini!” Vakaberekwa chembere dzaenda kudoro here? Kwakange kwave kufarisa kuya kwokunzi ukanzi naamai kafarisiro kako aka, nhasi ucharara wave kuchema chete, waitorara warohwa bedzi!

Mazvionaka kuti ndauya ndakakoka? Gore rino handidzore tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso. Asi zvakazondipedza ndezvokuti ndambotura mukwende wangu, ndakazonzwa mumwedzi waMbudzi, mwedzi une zvawo, zviri kupi, manyama amira nerongo.

Kumambakwedza musi wa15 Mbudzi panhepfenyuro nepachivhiti-vhiti (ZBC/ZTV), vanhu makamutswa na”Good morning Zimbabwe!”

Nyaya yakange yatosanduka ipapo-ipapo! Ndakangozonzwa mushure mokugadzwa kwaPresident Emmerson Dambudzo Mnangagwa vachitsiva vaimbova President Cde Robert Mugabe, musi wa24 Mbudzi, kuti kwave ne”new era” kana “new dispensation”.  Ndikati zvichirevei? Vamwe vakati, zvinoreva zvakaimbwa naJah Prayzah kuti kwatochinjwa mutemo. Kana mufaro waiva munyika waitaura wega kuti mutemo wasanduka zvechokwadi.

Vanhu vanofarira kuvati ED, asi President Mnangagwa vakauya nevhangeri rimwe chete: rudo, runyararo, kuregererana, kushanda nesimba kwete zvanezuro zviya. Vakaparidzawo kuti munhu wese ihama yako, saka vaitidida kana kusatida, kunyanya dzimwe nyika, ngativaratidze kuti Zimbabwe inoda kushanda nenyika yese ine chido chokuti ibudirire, nokuti zvikomo zvinopanana mhute. Vakatoenda naro vhangeri kuSouth Africa, Angola, Mozambique, Namibia, Zambia, asi kutaura kwatiri kuita kuno, vane chikwata chavakafamba nacho kuenda kumusangano mukuru wezveupfumi nebudiriro, weWorld Economic Forum, kuDavos, kunyika yeSwitzerland. Uku kutanga Zimbabwe ichienda kubva sangano iri ravambwa muna 1971.

Kumakurukota nevashandi veHurumende, vanoti, “Basa sebasa! Tinodawo kubudirira savamwe.”

Kunenge kuseka, asi shanduko iri kutooneka zvishoma nezvishoma. Mhenho zvavo vanodyara chibage nhasi, voda kukohwa mangwana acho!

Handizvo chete. Kana vatevedzeri vomutungamiri wenyika vave vatsva: vaimbove mukuru wemauto Retired General Constantino Guveya Chiwenga, naCde Kembo Mohadi. Vese ava vave panyanga muHurumende nokubato rinotonga reZanu-PF.

Avawo Cde Oppah Muchinguri-Kashiri ndakazonzwa zvakare kuti ndivo vave Sachigaro weZanu-PF, kekutanga kuti chigaro chakambenge chadzimwa chigarwe nemunhukadzi.

Ndikati, ko mai vomusangano (National Political Commissar) zvamira papi, ndikaudzwa kuti kwave naRetired Lieutenant General Engelbert Rugeje, avawo Cde Pupurai Togarepi vakadzorerwa kutungamira Youth League.

KuWomen’s League ndiko kwakaita shanduko ine mutsindo chaiwo nokuti Mai Grace Mugabe vakabviswa pachigaro nokudzingwawo mumusangano weZanu-PF, pachibva paiswa Cde Mabel Chinomona. Ndikati kana zvakadaro, zviya zvange zvoda kukurumbira kuti, “Munhu wese kuna amai zvamira sei?” Mumwe akati, “Asingazivi amai vake, ndiye anononamatira naamai vomumwe munhu.”

Waudzwa makobvu nematete kudaro, ungapindura zvakare?

Asika, nyaya haingaperi usina kuziva kuti vana tinhai dzirwe, dhibha harina mhuru zviri sei, sei. Zvikanzi vaimbove mai vomusangano weZanu-PF, VaSaviour Kasukuwere, vakatiza munyika, mheno kwavari. Uyuwo muzvinafundo Jonathan Moyo anongogara achiwawata paTwitter kunge mutungamiri weUnited States of America, VaDonald Trump, ari ikoko kwaanonzi akatizira.

Zvimwe chete naPatrick Zhuwao, anofunga kuti kunyora paTwitter ndiko kuita. Chisingaperi chinoshura. Waizvinyora uchiti chii, wakamira pai, saani?

Vaifunga kuti patiri nhasi uno vanenge vatove panyanga, zvavo zvichifaya. Mano okushaya chiono ndozvaanoita. Dzangove ngano kuna Jonathan Moyo netimu yake.

Ndangariro dzavanhu ngadzimuchigare pfungwa dzokuti nezuro akapfuura, mangwana ndiye ave kushandirwa.

Share This:

Sponsored Links