Zvakanakira mbeu dzeSeed Co

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Zvakanakira mbeu dzeSeed Co

Kwayedza

Philip Matombo —
SAMSON nyama inonaka inotaura yega, vanodaro vakuru uye chekudya chose tanga waraira. Mumwe murimi oti ndakarima chibage ndikawana 21.9t pahekita mumwe oti ndakarima soyabeans ndikawana 5,5t pahekita, vamwe varimi voti aiwa, zvinoitika izvozvo, vanonyepa asi chakazoshamisa vakaona murimi uyu aendesa 10 000 tones dzecibage kuGMB.

Unonzwa ipapo voti ane divisi. Hama wadikani kugona kusarudza mbeu nekudzirima nemazvo uye nenguva, kunyanya idzo mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzinobva kukambani yenyu yeSeed Co sezvo iri iyo bedzi yakagona kuuchika mbeu yechibage inopa mukoho uyu kuchibage ne5t pahekita yesoya. Saka taramba varimi vanosaririra pahunyanzvi uhu hwechizvinozvino (modern technology) nekuti kurima kwava kutapira nekubhadhara mazuva ano.

Mukoho uyu wadengenyedza Zimbabwe neAfrika yose nekuti pangorimwa mbeu idzi, dziri kubva dzangoriga dzose. Saka Seed Co yava kupihwa zita remadunhurirwa nevarimi rekuti “Murigadzose”.

Vamwe voti neSeed Co matura fashafasha, vamwewo varimi vachiti . . . “Kuti Seed Co ndokuti mbeu!”

Sezvo yave nguva yekusarudza kana kuti nguva yekutenga mbeu, ticharamba tichiyeuchidzana nekudzidzisana kunaka kwakaita mbeu dzamakauchikirwa navasawhira venyu veSeed Co. Nekuti kuti Seed Co ndookuti mbeu!

Kusarudza mbeu patinotenga kwakakosha, ndinokufananidza nekusarudza kwatinoita mukomana kana musikana wekuroora. Unotora nguva yako, woisa zviga zvaunoda sedungamunhu wozoti uyu ndiye wandafarira, kunyangwe akadhura sei pakuroora.

Ndizvo zvakafanana nekusarudza mbeu, sevarimi vakangwara ngatiregei kunyanya kutarisa mutengo (price), zviri mairi (goho) ndozvakaita kuti ive nemutengo waiinawo. Zvakachipa zvinokudhurirai pakupera kwemwaka nekuti mukoho unenge uri mushomawo.

Mukoho wepamusoro:

Kurima ibhizimisi saka ngatisarudzei mbeu dzinoita munzvimbo dzatigere dziine mukoho unotatamuka serekeni. Mbeu dzeSeed Co kana tichirima muRegion 1, 2 nedzimwe nzvimbo dzeregion 3, rimai Nzou Sc 727 neSc 719 idzo dzine mukoho unosvika nekudarika 18t pahekita. Kunyangwe ukakundikana kuwana mukoho uyu, unenge uri pari nani kudarika arima dzimwe mbeu. Iyi mbeu yava kunzi nevarimi murigadzose.

Zvakanakira mbeu idzi:

1. Inotivirira muzuva apo kunotora mavhiki maviri, matatu kana kudarika mvura yambomira kunaya (drought tolerance)

2. Inorema pachikero (high bulk density), varimi vakawanda vakairima vanotenderana nesu kuti ukaisa 2,5-3 mabhagidi musaga pamasaga 20 warimi wazhinji vari kuwana 1,1-1,3t zvichisiyana nekuguta kwachakaita uye kuti chakawana mvura yakakwana here pachaiita mwana.

3. Haiwanzodonha mumunda (good standing ability) kunyanya tikasadarikidza 50 000 madzinde pahekita zvichireva kuti semhuka hombe, haidi kunyanya kubatanidzwa. Ngatibatsirwei nemadhumeni edu kuti tinowana sei madzinde aya pahekita.

4. Inowa (very good shelling percentage), zvimwe zvibage zvinokudza muguri asi Sc 727, Sc 719, Sc 633 dzine kamuguri kadokodoko tsanga dziri hombe dziine muguri muhombe unowanzoita 16 maraini ne47 tsanga paraini rimwe chete zvichireva kuti pamuguri umwe tinogona kuwana 700-900 tsanga. Uhu ndihwo hunyazvi hwechizvinozvino hwamakagonerwa neSeed Co kuti bhizimisi renyu rekurima ritapire.

Uku ndiko kuuchika mbeu zvemhando yepamusoro.

5. Kunyangwe tisina madiridziro, inoita zvakanyanya saka ngatiregei kuitya kuti inotitorei mazuva akawanda, zviya nembeu yeshumba dzinongosiyana nemazuva asingadariki 13 pakuibva.

Munzvimbo idzi munoitawo Mbeu dzeShumba Sc 637, Sc 633 neSc 627 kwozoti Mbizi itsva iri kukwikwidzana nedzimwe nguva, kutokunda mbeu dzeShumba inonzi Sc 529. Mbeu idzi dzine mukoho unodarika 11t pahekita saka ndati seSeed Co takakuuchikirai mbeu zvemhando yepamusoro. Chasara kuti mudzirime zvemhando yepamusoro mowana mikoho yakanaka iri kuwakikwawo nevame varimi.

Mbeu yeMbizi Sc 529 yakanakirei:

1. Ndoombeu yekutanga munyika inokwikwidzana nemukoho weShumba iyo iri Mbizi 11t pahekita.

2. Inovaimira uye tsanga dzacho dzakasimba zvekuti inoti nonokei kapfukutwa

3. Inorema pachikero

4. Haidonhe mumunda, ine midzi nedanda rakasimba

5. Kune vanorima gorosi, unokurumidza kukohwa wodyara gorosi nenguva

6.Kana wanonoka kudyara, ndiyo mbeu yekurima

7. Inotirira muzuva zvakanyanya

8. Inoita kubva kuregion 1 kusvika kuregion 4 (wide adaptability)

9. Inoita miguri yakareba pachibage chekugocha uye inotapira zvakanyanya pakudya chibage chakabikwa kana kugocha

Uku ndookuuchika mbeu zvemhando yepamusoro kuitira imi varimi. Hero divisi iro risingapfuki kana kukushungurudzai mangwani .

Kune wanorima muregion 3-5 heyo mbeu yeTsuro neTsoko dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzichitirira zuva (drought tolerance) nekupa goho rinosvika 7t pahekita kana mwaka wakanaka kunyanya pakunaya kwemvura nekuti goho munzimbo idzi rinowanzoderedzwa nekusanaya kwemvura zvakanaka. Mbeu idzi dzinogona kurimwa munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda zvichisiyana nedonzvo remurimi.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

  • Philip Matombo anobatika panhare dzinoti 0772 572 497 kana 0731 572 497

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey