Zvakanyorwa paGrade 7 zvakabuda

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

KANZURU inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), svondo rino yakazivisa kuti zvakanyorwa nevadzidzi mubvunzo dzeGrade 7 gore rino zvakabuda.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vakati vadzidzi vakasununguka kunotora zvakabuda mubvunzo idzi kuzvikoro zvavo.

“Vadzidzi vakanyora bvunzo dzeGrade 7 vanokwanisa kunotora zvakabuda kutanga nemusi waZvita 2, 2014,” vakadaro VaNhandara.

Chikamu chevana vakapasa gore rino chiri pa38,13%, inova budiriro kana zvichienzaniswa negore rapera apo paive nechikamu che32,20%.

Kupasa uku kwaramba kuchikwira kubvira mugore ra2009. “Kupasa uku kunogona kukonzerwa nekuwaniswa kwemabhuku ekuverenga kuvadzidzi vese vepuraimari kuburikidza nechirongwa cheEducational Transition Fund icho chinotsigirwa nesangano reUnicef,” vakadaro.

Zimsec inoti vadzidzi 308 888 ndivo vakanyora bvunzo gore rino kana zvichienzaniswa ne299 673 vegore rapera.

VaNhandara vakati: “Huwandu uhwu hwakawedzera ne9 215 chinova chikamu che3.08%.

Izvi zvinogona kunge zvakakonzerwa nekuwanda kwezvikoro zviri kuvakwa kumapurazi.

Chikamu chevanasikana vakapasa chiri pa40,30% kana chichienzaniswa nechevakomana chinove 35,67%.”

VaNhandara vanoti mitauro yemuno iri pamusoro mukupaswa kana zvichienzaniswa nezvimwe zvidzidzo zvakaita seEnglish, Mathematics neGeneral Paper.

Chikamu chevana vakapasa Shona i86,03%, Ndebele 77,24%, English 46,64%, Maths 52,20 uye General Paper 45,38%. — The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>