Zvambura mari nemadomasi

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Zvambura mari nemadomasi

Kwayedza

Bright Musakanda—

TINOKUKWAZISAI varimi kumativi mana enyika. Muchinyorwa chedu chanhasi — icho chamunounzirwa nenyanzvi pakuuchika mbeu dzemuriwo nedzemafuro, Prime Seed Co — tati timbotarisa marimirwo akanaka emadomasi.

Chekutanga ndechekuti kana domasi rikarimwa zvakanaka, rinopa murimi chouviri. Asi zvinoda kuti murimi atange atsvaga musika wekutengesera (market). Musika ndiwo unotipa gwara remhando (variety) yemadomasi anorimwa nemurimi.

Kana tikarima tisina kutanga tatsvaga zvinodiwa nemusika, ndipo paya patinozopedzisira tarasikirwa negoho redu kana kuzobhadharwa mari shoma kumusika.

Tine mhando mbiri dzemadomasi anodiwa kumusika dzinoti:

  1. Madomasi anovandudzwa, kugaiwa kana kugadzirisa chimwe chikafu (precessing tomatoes). Aya ndiwo akaita sePietrarossa, Vaquero, Nash neChibli. Iyi mhando yemadomasi inowanzotengwa nevemakambani anoita zvekuvandudza nekuisa muto wacho mumagaba. Mhando iyi inenge ine munyepfu (flesh) wakawanda.
  2. Madomasi anotengeswa pamusika akadaro (fresh market) ndiwo akaita saana Daisy, Alambra, Candela neAkela. Iyi mhando ndiyo iya inotengeswa pamisika nemuzvitora. Mhando iyi inenge ine muto wakawanda uye madomasi acho akaita denderedzwa (round shape). Varimi vanokurudzirwa kurima mbeu dzemadomasi dzakauchikwa zvemhando yepamusoro (hybrids) nekuda kwekuti

◆ madomasi aya anopa goho rakakura zvakanyanya

◆ anoshingirira pazvirwere (fungal diseases)

◆ anobereka vana vemhando yepamusoro (good quality)

◆ anochengeteka nguva yakareba maakohwa (long shelf life)

Murimi akangwara anofanirwa kuendesa  ivhu rake kunoongororwa nenyanzvi dzevhu (soil testing) kuti agoziva mafetireza anodihwa. Madomasi chirimwa chinorimika zvakanakisa gore rose kunyangwe zvavo asingawirirani  nechando chakanyaya. Munguva yechando varimi vane mabutiro (greenhouses) vanenge vane mukana wakanyanya nekuti madomasi avo haarohwi nechando.

Mhando dzembeu dzemadomasi anofanirwa kurimwa mumabutiro iAlambra neCandela. Musiyano uri pakati pemadomasi anorimwa mumunda neemumabutiro ndewekuti emumabutiro anoramba achingobereka kusvika nariini (indeterminant) asi emuminda ane nguva yaanotarisirwa kubereka obva afa (determinant).

Madomasi anorimwa mumabutiro neanorimwa mumunda ose anorimwa zvakada kufanana asi kuti emubutiro akanyanyonakira pakuti;

◆ anoshingirira kuzvirwere zvakaita sechakuvha (fungal diseases)

◆ madomasi anoberekwa anenge ari makuru zvakafanana, mamiriro, zera uye ruvara (uniformity)

◆ haarohwi kana kukanganiswa nechando

◆ haanyanyi kuvhiringwa neudyi, tumbuyu kana makonye

Marimirwo emadomasi:

Mafotereza, mishonga nemvura inoshandiswa mumabutiro (greenhouse) nemuminda zvakangofanana asi kuti chinosiyana imhando dzematanda kana kuti mitariko inoshandiswa kumisikidza madzinde emadomasi (trellis).

Kudyara mhodzi dzemadomasi:

Mhodzi dzemadomasi dzinokwanisa kudyarwa mumatireyi anenge achiyangarara pamusoro pemvura. Kana tichishandisa mhando yematireyi, tinoisa murakwani wakaongororwa (gromix ) mumatireyi tobva taisa mhodzi dzemadomasi mukakomba. Matireyi aya tinogona kumaisa padara topota tchiadiridza kuseni, masikati nemanheru.

Mumvura yatinodiridza nayo ndimo matinoisa fotereza inonzi (quick start 15g) kamwe pavhiki kwemavhiki matatu kana mana. Pavhiki retatu kana rechina, tinofirwa kunyima nhondo dzinenge dzabuda mvura kuti dzisimbe (hardening).

Tinogona zvakare kutora matireyi ataisa murakwani nemhodzi toayangararisa pamusoro pemvura. Tinoisa fotereza inonzi float fert inoita 110ml pamatireyi gumi mumvura inozoyangarara matireyi. Fotereza iyi inowedzerwa mumvura kamwe chete pavhiki kwemavhiki matatu, pavhiki rechina hapaiswi fotereza ndiko kutosimbiswa kunenge kwava kutoitwa nhondo. Kusimbiswa kwenhondo kunoitirwa kuti patinozonodzisima mumunda dzibate zvakanaka uye dzisafa.

Fotereza:

Nhondo dzemadomasi dzinosimwa nefotereza yeCompound C kana kuti Vegetable Blend iri pakati pe750-1 000kg/h. Mushure memavhiki maviri kana matatu panozodiwa fotereza yepamusoro (Ammonium Nitrate 150kg/h). Iyi mhando yefoteraza inoita kuti madomasi akure madzinde nemashizha munova ndimo munogadzirwa chikafu (vegetative growth).

Panozodiwa zvakare dzimwe mhando mbiri dzefotereza dzinoti Sulphate of Potash 50kg/h zvichienderana nekuti vaongorori vevhu vati inodiwa here kana kuti kwete. Kana madomasi ava kubereka, panozodiwa fotereza yeCalcium Nitrate 30kg/h. Iyi fotereza inoita kuti madomasi ari kuberekwa asimbe, arege kungopwanyika pwanyika pakukohwa.

Upamhu (spacing) nekusima nhondo:

Nhondo dzemadomasi dzakasimbiswa (hardening) dzinofanirwa kusimwa munguva dzemangwanani kana kuti zuva rovira. Tinotarisirwa kuva nemadzinde emadomasi 16 000 – 20 000 pahekita. Kubva pane mumwe mutsetse kuenda pane mumwe panofanirwa kufara 1.5 – 2 m. Kubva padzinde kuenda pane rimwe panofanirwa kufara 0.3 – 0.5m.

Zvirwere nemishonga pahactre:

Murimi wemadomasi anofanirwa kufirita mushonga wekudzivirira (preventatives) chirwere chechakuvhe kubva pavhiki rinobuda nhondo kusvika pamavhiki ekupedza kukohwa achifirita vhiki roga roga (weekly sprays). Pamusoro perwere nemishonga inodiwa, varimi munokurudzirwa kubata varimisi vePrime Seed Co vari kumatunhu aenyu kuti mubatsirwe zvakakwana pamishonga yekushandisa.

 

Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo. Anobatika pa 0777 306 020

Share This:

Sponsored Links