Zvawakawana ndizvo zvatovepo

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KUMIRIRA kwatakanga takaita kuya kwasvika kwamvura yacheka makumbo. Goho redu rakabuda zvekuti mumasvondo maviri apfuura tanga tisingadi kutaura pamusoro pezvakabuda mubvunzo tichityira kukwidza manera vaya vakabuda zvakanaka uye kudzimbira vaya vasina kuzonyatsoita zvakarurama.

Chataityira kukwidza vakabudirira manera ndechekuti vamwe vaizofarisa zvekugumisira vapinda munaTaisireva. Ndiyo nguva yakashandura hupenyu hwedu nekuti kwatava kunobatira tiri kwakasiyana.

Vamwe vedu vakange vari mushishi kutsvaga nzvimbo. Vakabuda zvakanaka mubvunzo vakava nenguva yakanaka chose paKisimusi apa nekuti zvipo zvaingodirana. Kubudirira uku kwakauya nekushanda nesimba kubvira kuvadzidzisi, vabereki kudzimba uye bepanhau redu reKwayedza iro rinokusha zvirongwa zvedziziso kumativi ose enyika. Tinoda kupa rutendo rukuru  kwazvo nekubatirana pamwe chete kwakadai.

Kune avo vasina kuwana goho rakanaka tinoti musaore moyo asi kutoti ivai netariro. Hazvirevi kuti kana wadonha woramba wakarara mumadhaka. Simuka uzvipukute guruva kana madhaka woenderera nehupenyu uchigadzirisa pawakakanganisa. Tarisa chigutsa chakakudonhedza kuti ugochitsvagira nzira yekuchibvisa mugwanza kuti chisazokudonhedza zvakare.

Kubuda zvakasiyana kwatakaita mubvunzo kunonongedzera kusiyana kwezvikoro kwatichaenda. Vamwe vachaenda kuzvikoro zvinogarwa ikoko (boarding) vamwewo vachienda kuzvikoro zvavanodzidza vachibva kumba. Vamwewo ndivo vakawana zvikoro zviya zvine mukurumbira wekuburitsa goho repamusoro.

Hazvinei kuti zvamira sei asi pepa redu reKwayedza richaramba richitumira dzidziso dzepamusoro neyambiro dzinotibatsira kuti tisazowira mutsekwende. Muzvikoro imomo vadzidzisi vakamirira kushandiswa newe kuvaka ramangwana rakajeka.

Kuchikoro kwawava kuenda kwava kuda kuti uzviitire zvizhinji wega. Uchanopiwa chiredzo nepekuraura pacho kuti iwe ugozvibatira miramba yako wega. Ukasasunga kuti dzisimbe, unobva kurwizi ikoko usina kana nekajenya chaiko kawabata asi vamwe nhava dzizere magwaya.

Share This:

Sponsored Links