ZveAfrica siirai Africa, tibvirei apa!

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

SAHWIRA wangu paakati “hana yangu yarohwa nehana,” ndakamutarisisa ndikati dzokorora nokuti ndaifunga kuti akanganisa kutaura, asi akati zvakare, “zvarovesa hana yangu nehana.” Ndakangoti pamwe ndicho chiShona chamandorokwati chinoshandiswa pavanowatsura paWhatsApp, Facebook kana paTwitter. Hatisaririre pane zviriko mazuvano asi tinenge tichida kuzvinzwisisa nomutauro wedu.

Ndakazozvitorera pakuti hana inorohwa nehana kana paita zvimwe zvinhu zvaunenge usina kutarisira, zvinhu zvikuru. Kana neniwo hana yangu yakazorohwa nehana pandakatanga kufungisisa zvichabuda musarudzo dzakaitwa kuTanzania musi wa25 Gumiguru.

Kana bato riri kutonga reChama Cha Mapinduzi (CCM) rakatangwa naCde Julius Nyerere rakambokwikwidza zvakasimba, zverwendo rwuno zvakange zvakati simbei, nokuti munhu akange ari kudawo kugara pachigaro, munhu akambenge ari Prime Minister muhurumende yaPresident Jakaya Kikwete, ari nhengo yeCCM. Vakadai ivava ndivo vanokutemesai musoro.

Chinyorwa chinouya zvakabuda musarudzo zvisati zvave kuzivikanwa, kunyange zvazvo nhaurwa iri yokuti zvizvarwa zveTanzania zvakavhota zvakanaka, murunyararo.

Asi, munoiziva nyaya yacho pakava namapato anopikisa anoti kuti zvavo zviite, ngatiite mukomberanwa sechuru. Bato rinopikisa reCHADEMA, raitungamirirwa nomunhu wavakaona kuti anogona kupatsanura mavhoti eCCM.

Chinoshamisa ndechokuti zvabuda musarudzo zvisati zvatanga kudeedzerwa, veCHADEMA vakange vave kutozhamba kuti kana CCM ikakunda, vabiridzirwa. Kutsigira pfungwa yavo, vakange vave kunhonga ichi nechecho.

MuZimbabwe zvizere zvamapato anozhamba kuti akabiridzirwa izvo zvabuda musarudzo zvisati zvazivikanwa.

MuAfrica, takatadza kuumba masangano anofambisa mashoko akamirira zvido zvavanhu, asi tizere namasangano enhau akamirira zvido zvenyika dzemhiri kwamakungwa. Saka kazhinji kana tave kurapanura zvinoitika kune dzimwe nyika tinotopedzisira tazviita takapfeka magogorosi amasangano enhau anenge CNN, BBC, Reuters, AFP namamwe.

Mikono yange iri kurwira chigaro chamambo kuTanzania ndiJohn Magufuli webato riri kutonga reCCM naEdward Lowassa ari muchikwata chemubatanidzwa wamapato rinonzi Chama Cha Maendeleo naDemokrasia (CHADEMA).

Mukwende ari kubvunza bato reZanu-PF, ANC kuSouth Africa, Swapo kuNamibia, kana Frelimo kuMozambique kuti vari kuzviona here kuti zviri nyore kuti vatsvagirwe vanhu vanovakwikwidza nokuti ndiyo “democracy”?

Vari kuzviona here kuti mibatanidzwa iyi inoitwa kuti izame kukudubura mapato akarwira rusununguko rwenyika, kwete kumirira zvido zvavanhu?

Ndiyo nyaya iri mudariro pari zvino pakati pohurabvu-rabvu hwamapato aimbonzi MDC muna 1999 navamwe vari kungonyuka semvura yomufuku. Vari kuti muna 2018, zvaitwa kuTanzania, ndizvo zvavanodawo kuita. Kutorerwa chawakabata navanhu vasingatombozivi kuti usiku kana kuti kwakachena? Hakuna zvakadaro!

Ngatidzoke kuTanzania zvakare, nokuti ine chikamu chakakura murusununguko rweZimbabwe nedzimwe nyika dzomudunhu reSadc. Tinodzoka kuna Frederick Chiluba akatungamirira nyika yeZambia kubva muna Mbudzi 1991 kusvika muna Ndira 2002 pasi pebato reMovement for Multiparty Democracy.

Chiluba akabvisisa mutungamiri wokutanga weZambia, Dr Kenneth Kaunda nebato ravo reUNIP. Ndivo vakarwira rusununguko rweZambia, asi zvakabuda kuZambia pakatanga Chiluba navamwe vake vakange vabva mubato reUNIP ndechokuti muAfrica vanhu vanoda rusununguko, asi kana vave narwo vanokurumidza kuneta, votsvaga zvakare vaye vavakamborwisa kuti vavaite vana foromani.

Kuita mupambepfumi foromari wekuforoma Africa yakasununguka? Ndicho chii ichocho?

Chiluba akapembedzwa achinzi ari kubva kumasangano avashandi kunge zvinonzi zvakange zviri zvitsva. Masangano akarwira rusununguko, akaumbwa kunyanya navanhu vaive mumasangano avashandi.

Chimwe zvakare ndechokuti Chiluba akatambisa zvizvarwa zvomuZambia bhora risina mweya, achiti acharwisa huori. Vanhu vakatenga manyepo aya nokuti Chiluba aiti muKristu, saka Zambia senyika yechiKristu yakange isina nguva nembavha.

Asi zvakaenda nokupi? Hwakapera here huori kana kutoti iye Chiluba ndiye akatozonzi ane huori hwakanyanya saka ngaavharirwe mujeri?

Angola neMozambique vane musiyano nokuti maPutukezi vakaramba kunyarara vabviswa pachigaro, vakaumba masangano evapanduki. KuAngola vakange vaina Jonas Savimbi nebato rake reUNITA. Humhondi nohumharadzi hwake zvakapera nokuurawa kwake muna Kukadzi 2002.

PaMozambique apa, pane achiripo ari kuda kuramba ari shaisa mufaro. Asi kana paine vanomupa mazano, ngavamuudze kuti rwendo rwuno akanyanga yaona. Kana akambodheerera vamwe vose ava kubva kuna Cde Samora Machel, pana Cde Filipe Nyusi masamba asiyana. Afonso Dhlakama, mutungamiri wavapanduki veRenamo mazuvano ari kudya pfumo riri mumawoko, nokuti chiri kurira nguva ipi neipi zvayo. Ndiye akazvitangira oga, saka achaona magumo azvo. Ari kurumwa nechokuchera.

Angade kutonga Mozambique neropa rezvizvarwa zvavanhu vedunhu rino rizere mumawoko ake, asi kana zvakaramba zvakatoramba.

Regai President Mugabe vakati, “Zviroto zviroto,” kana wamuka wosangana nechokwadi kuti pakutonga, ndaita mutete, mvura ihobvu. Mutsimba hauna kwaunosvitsa.

Ndopedzisa ndichiti kune vokwedu, zvirokwazvo dai vari kunze kwenyika vaiona kukodzera kwenyu nokugona zvose, sei tisingambonzwawo kuti madaidzwa kunoongorora sarudzo kune dzimwe nyika dzomuAfrica?

Kuita “election observer” kana “election monitor” inyembe dzomudyandigere dzinopihwa munhu anenge akambogara pachigaro.

Kubva 2013, Morgan Tsvangirai akatomboitawo Prime Minister muHurumende yamasanganiswa, akamboongororawo sarudzo kupi muno muAfrica pasi peSadc, African Union kana kutumwawo nemasangano akaita seEuropean Union, Electoral Institute for Sustainable Democracy in Africa kana Carter Centre? Tiri kuzviona zvose izvozvo! Saka makoshei imi? Hamunaba!

Asi, chishuwo chedu kuti vanhu veTanzania vacharamba vakabata dzidziso yaMwalimu Julius Nyerere. Dzidziso yavo yakavabatanidza kubva muna 1961, saka ngavarambe vakabatana. Kwete kushandiswa nevanhu vasingade kuona Africa ichiita zvemuAfrica, ichitongwa negwara reAfrica, nemwana weAfrica akazara.

Share This:

Sponsored Links