Zvechikoro zvakakwira mitengo

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Zvechikoro zvakakwira mitengo Vatengesi vepanze pezvitoro.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka naGamuchirai Muzanenhamu
Rakanga riri besanwa svondo rino muzvitoro zvinotengesa mbatya nemidziyo yechikoro muguta reHarare apo vabereki nevana vaigadzirira kuvhurwa kwezvikoro Chipiri chino. Kwayedza yakaita ongororo muzvitoro zvikuru zvinotengesa mbatya dzechikoro ikaona vabereki vachitengera vana vavo matirangi, mabhuku, shangu, mayunifomu nezvimwe kunyangwe zvazvo vakawanda vavo vaichema-chemawo nekuda kwekukwira kwemitengo.

Nerimwewo divi, mapurisa ekanzuru yeHarare akange achiita gonzo nachin’ai nevatengesi vepanze, avo vaitengesera zvinhu zvavo pamisiwo yezvitoro zvisiri pamutemo. Mai Samsom Mwendera vekuMufakose vanoti vakaona zvakakosha kuti vatengere mwana wavo yunifomu muzvitoro zvepamusoro nechikonzero chekuti dzakasimba.

“Kutaura chokwadi mayunifomu akakwira mitengo zvakanyanya. Temu yadarika, ndakatengera mwana wangu yunifomu muchitoro chino ichiita $25 asi temu ino yava $32, hamuone kuti kudhura kwakanyanya? Ko icho chasanduka chii? Isu vabereki ticharamba tichingoomerwa,” vanodaro.

Paongororo yakaitwa neKwayedza muzvitoro izvi, shangu dzechikoro idzo dzaiita $10-$15 temu yadarika dzakwira kuenda pa$20-$25, mabhuku aiita $1 ava pa$1,25-$1,50, zvinyoreso zvaiita $0,10 c zvakwira kuenda pa$0,25c. VaJames Ngwaruwata vekuSunningdale 1, muHarare, vanoti vanosarudza kutengera vana vavo mayunifomu emuchitoro nekuti epanze anenge anzwa nekurohwa nezuva.

“Ini hangu ndinofarira kuti mwana aende kuchikoro nembatya dzakanaka. Handidi zvigamba sezvataiita isu nekuti vabereki vedu vaitambura. Ndiri kutotenga muchitoro chino (zita tinaro) nekuti machira emayunifomu avo ndeemhando yepamusoro uye mwana anotopedza gore rose ainawo.

“Hongu, mayunifomu epanze akaderera pamutengo asi kana pakaita dambudziko rekuti mwana atadza kukwana, unogona kutadza kuzowana munhu akakutengesera nekuti vanhu vanongofambaka uye hapana marisiti,” vanodaro.

Zvichakadai, VaEvans Mangwiro vanova operations manager kukambani inotengesa midziyo yechikoro yeEnbee vanotenda kanzuru nekurwisa vatengesi vepanze sezvo vachidzosera bhizimisi ravo kumashure.

“Vatengesi vepanze idambudziko guru kumabhizimusi edu nekuti havana mitero yavanobvisa seyemagetsi, mvura, kana mitero yekuHurumende (taxes) nezvimwe. Vanongouya chete kuzotibira makasitoma nekudaro vanodzikisira budiriro yenyika nekuti Hurumende inogumisira yava kushaiwa mari dzayo dzemitero. Tinotenda kuti mwaka uno vabereki vazhinji vari kutenga muzvitoro zvedu nekuti vakadzidza kuti midziyo yepanze haina chimuko,” vanodaro.

Vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari yekunze kumabhengi nenguva ndiro riri kuita kuti mimwe mitengo yemidziyo yechikoro ikwire.

VaMangwiro vanoti vari kupawo mikana yekuti vashandi veHurumende vakadai sevari muchiuto, vari papenjeni nevamwe vakwanise kutenga zvinhu zvechikoro nezvikwereti vachizobhadhara pashoma nepashoma.

Share This:

Sponsored Links